Ndine $10 chete yemendenenzi

Malven Mugadzikwa
MURUME wekumitisa mumwe musikana ndokuzoshaya hanya nekuchengeta mwana wake, akaudza dare kuti anokwanisa kumupa $10 pamwedzi yemendenenzi. Senzeni Munguvava akaendesa Percy Mashaya kuHarare Civil Court achida mari yekuriritira mwana wavo.“Ishe wangu, baba ava chavakangogona chete kundiitisa mwana nekunditiza. Dai dare randibatsirawo ndikwanise kuwana mari yekuriritira mwana nekuti zvinhu hazvina kundimiririra zvakanaka.

“Ndiri kuda $100 yemendenenzi nekuti pari zvino ndiri kudya nhoko dzezvironda nekushaya pekutangira nemwana,” akadaro Munguvava.
“Mwana anorarama zvakanaka kana achiwana chikafu, zvipfeko pamwe nepekugara pakanaka. Asi wangu haasi kuwana zvese nekuti ini mai vacho handina chandinacho, chero pekutangira handina. Zvava kuda baba vacho kuti vamire-mire kuitira kuti mwana ararame achiwana zvaanofanira kuwana,” akadaro.

Akati Mashaya ave kukanganwa kuti mwana wake anoda kuchengetwa.
“Izvozvi kutoonana nekutaura nezvemwana muno mudare, havatangiki kana vava kumba kwavo nemukadzi.

“Ndokusaka ndakazoita zvekuno kudare nekuti anondishurira ndikada kumubvunza nezvemwana,” akadaro Munguvava.
Mushaya akaudza dare kuti haakwanise kubhadhara mari yakataurwa iyi achiti aida kuona nezvemhuri yake.“Mari iri kutaurwa iyi inotoda kuenzana nemari yandinotambira yacho pamwedzi.

Dai zvaibvira dare raindinzwa nekuti izvozvi ndine mhuri yandinayo inoda kuchengetwa neni.
“Ndine mukadzi nevana vaviri vanoda rutsigiro rwangu zvekuti anenge atondiremedza zvakanyanya nemari yaataura iyi.

“Pamari yaataura handiikwanisi asi kuti ndingatomuwanira $10 kuitirawo kuti ini ndisarewo neyekuriritira mhuri yangu. Iye wacho anofanirawo kumira-mira nerimwe divi kuti tisangane pakati,” akadaro Mashaya.
Mutongi Tafadzwa Muvhami akati Mashaya abhadhare $30 pamwedzi.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×