Fundo yekuyunivhesiti iri kusimudzirwa: President

President Mugabe
President Mugabe

PRESIDENT Mugabe vanoti Hurumende yakavaka mayunivhesiti kumapurovhinzi ose enyika nechinangwa chekusimudzira fundo pamwe nekuti vadzidzi vawane mukana wekufunda zvekusvika kuyunivhesiti.

Vakataura mashoko aya svondo rapera apo vaivhura zviri pamutemo dare reParamende rechikamu cheSecond Session of the Eighth Parliament of Zimbabwe.

“Nechinangwa chekuti dzidzo yekuyunivhesiti iwanikwe zviri nyore, Hurumende yakavaka yunivhesiti mupurovhinzi imwe neimwe yenyika,” vakadaro.

Vakati dare reParamende richange richizeya mitemo iri kuda kukumikidzwa yakananga kuti pave nemayunivhesiti kune mamwe matunhu.

Mitemo iyi inosanganisira weGwanda State University Bill neManicaland State University of Applied Sciences Bill uye basa rekuti pave nePan-African Minerals University of Science and Technology muHarare rave padanho repamusoro.

President Mugabe vakati gwaro rezvidzidzo (cirriculm) zvekupuraimari nesekondari riri kuvandudzwa zvakare nechinangwa chekuti fundo yemunyika ienderane nezvinodiwa nebudiriro yeZimbabwe.

“Izvi zvinofanira kuona kudzidziswa kwakanyanya kwezvidzidzo zvakaita seScience, Technology neMathematics,” vakadaro.

Vakati kudzidza kuburikidza nemakombiyuta, pamwe nekupihwa kwemakombiyuta kuzvikoro pasi pechirongwa chePresidential Computer Programme, kuri kuenderera mberi nedonzvo rekuti vana vari mumagwaro ose vawane mukana uyu.

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×