Mapurisa echidzimai mudare raShe

VENNAH MATOWA (1)SADUNHU Mark Makwarimba (83) vekuHwedza vanoti vane chishuwo chekusimudzira vanhukadzi izvo zvaita kuti vashande nemapurisa echikadzi mudare ravo.

Vanoti vakasarudza kushanda nemadzimai sezvo vanhukadzi vachizvininipisa mubasa ravo.

“Mukushanda kwandinoita nemadzimai, ndakaona kuti vanhu vasingatenderere pakutaura kunyangwe patinenge tichitonga nyaya.

“Takaona zvakare kuti mudare pane dzimwe nyaya dzinenge dzichida tsvakiridzo yemadzimai sezvo mamwe madzimai vanogona kunyara kutaura chokwadi kuvarume as zvichivarerukira kutaura nevanhukadzi. Pakadai apa tinoita kuti vataure navo padivi izvo zvinoita kuti nyaya dzedu dzireruke kutonga,” vakadaro Sadunhu Makwarimba.

Muhurukuro nemumwe wemadzimai aya, Mai Vennah Matowa (35), vakati vanofara chose kushanda nasadunhu uyu sezvo vari munhu ane chido chekusimudzira tsika nemagariro echivanhu.

“Ndinotumwa kunosunga vanhu vanenge vapara mhosva,” vakadaro.

Mai Matowa vanoti vave nenguva inokwana gore nechidimbu vachishanda naSadunhu Makwarimba.

“Matambudziko anosangana nesu madzimai mubasa rakadai ndeekutarisirwa pasi nevamwe vanhu vachishora hutungamiri hwechidzimai,” vakadaro.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×