WLADIMIR Klitschko anoti achashandisa mukana waanawo kuti arwe zvakare naTyson Fury kwete kusendeka mutambo wetsiva. Klitschko (39) akanyorerana pasi naFury apo vari kurukura zvemutambo uyu kuti anopihwa mumwe mukana wekurwa hunge kana akakundwa naye. Fury akahwina pazvibodzwa kuDusseledorf apo akakunda chizvarwa chekuUkraine ichi izvo zvakashamisa vatsigiri vetsiva pasi rose.
Kurikitwa kwakaitwa Klitschko naFury, zvinoreva kuti akakundwa mutambo wake wekutanga mumakore 11.
Vamwe vange vachifungidzira kuti Klitschko achatevera mumatsimba emukoma wake, Vitali, mukusendeka tsiva kana akundwa, asi iye anoti achaedza kurwisa kuti atore mabhande ake aakatorerwa.
Klitschko akati, “Ticharwa tese zvakare. Tichangobva mukurwa uye ndinoda kumboona kuti tofamba sei asi ticharwa tese zvakare.
“Ndanga ndakagadzirira kupinda mumutambo uyu asi ange achimhanya zvakanyanya.”
Klitschko akakatyamadzwa sezvakaitwa vamwe vatsigiri vetsiva kuti Fury angamukunde pamberi pevatsigiri 50 000 vakaungana kuGermany.
“Ndanga ndisingafungire kuti anozviita, asi atozviita
“Ndanga ndisingamhanye zvakanyanya iye ange achindisiya. Ndatadza kuwana mukana wakakwana,” akadaro.
Mukoma waKlitschko, Vitali, akati munin’ina wake uyo aive shasha yepasi rose akatorerwa mabhande ake achadzoka kuzomarwira zvakare.
“Zviri kwaari kuti asarudze zvaanoda kuita. Anofanirwa kuongorora zvinhu zvake kuti zviri kufamba sei,” akadaro Vitali uyo aimbove shasha yeWBC. — Mirror Boxing




