Kwakabva zita

MUZIMBABWE mune nzvimbo zhinji dzine mazita anoshamisa kana asingazivikanwe nevamwe kuti akabva kupi. Mamwe mazita anobva pazviitiko zvakaitika, mamwe achibva pamazita evanhu kana madzishe. Asi mamwe mazita haazivikanwe kuti akatanga sei. KwaMurehwa kune nzvimbo inonzi Zorizozo, kuMhondoro kune kunonzi kwaDhodhi uyewo kuZaka kune kunonzi kwaMuroyi. Kana ukatsvagisisa, uchaona kuti mazita ose aya ane kwaakabva, uye ane zvaanoreva.

Kwayedza iri kukoka imi vaverengi kuti mutinyorere muchitiudza zita renzvimbo yamunogara nekuti sei yakapihwa zita iroro. Semuenzaniso, Domboshava: Izita rinobva pamakomo ari kumabvazuva kwemisha yeZimbiru, ayo ane ruvara rwushava.

Tine shungu dzekuti vagari venzvimbo dzakaita seHarare, Hwedza, Bulawayo, Chivhu, Gokwe, Karoi, Hwange, Seke, Mutoko, Masvingo, Nyanga, Matuzviadonha, Mazowe, Mvuma, Mandidzudzure, Chipinga, Chinhoyi, Gandavaroyi, Gutu, Hurungwe, Sanyati, Chikomba, Mbare, Chikonohono, Marirangwe, Nyanyadzi, Zimunya, Nyazura, Kambuzuma, Sakubva, Mutungagore, Mabvuku, Hauna, Nyamhunga, Gadzema nedzimwe mutiudzewo kuti mazita enzvimbo dzenyu akavepo sei. Tumirai tsananguro dzenyu m akanyora kuti “KWAKABVA ZITA” ku:

Kwayedza, PO Box 396, Harare Email: [email protected] Munogona kusiya matsamba kumahofisi ose eZimpapers ari paHerald House muHarare, Chronicle House kuBulawayo, Manica Post kwaMutare, kuStar FM, kuGweru, kuMasvingo, kuChinhoyi, kuVictoria Falls, kana kuBeitbridge.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *