Fury odzoka nemutsindo

MURAIRIDZI waTyson Fury anoti ane chivimbo chekuti mutambi uyu – uyo aimbove shasha ine bhande reheavyweight  – achadzoka mutsiva zvine mutsindo.

Fury akatorerwa rezinesi rake retsiva muna Gumiguru apo aiongororwa mhosva yekutora zvinodhaka muviri zvisingatenderwe ndokusiya mabhande eWBA, WBO neIBF achiti ave kumborapwa sezvo ange ane chirwere chekunetseka mupfungwa.

Murairidzi waFury anove sekuru vake, Peter Fury, akati Tyson ari kunzwa zvakanaka hake asi kudzoka kwake mutsiva ichave sarudzo yake mbune.

“Tyson ari kuita zvakanaka. Iye zvino ari kumbowana nguva yekuzorora muhupenyu hwake pasina anomuongorora,” akadaro Peter.

“Ndakamboita nguva ndinaye manje-manje uye hatina kumbotaura nezvekudzoka kwake mutsiva. Tainge takazorora tichifara zvedu nemhuri dzedu.

“Zvinhu zvekuti Tyson anofanirwa kuzvisarudzira iye ega kuti anoda kudzoka kana achiri kuda zvetsiva.

“Asi ndinoziva kuti achadzoka – handifunge kuti ane zvimwe zvinhu zvaanoziva futi.

“Achingori nemakore 28 uye ndinoziva kuti ane zvakawanda zvekupa mumutambo uyu.”

Tyson akakatyamadza pasi rese apo akakunda Wladimir Klitschko ndokutorera chizvarwa chekuUkraine ichi mabhande eWBA, WBO neIBF kuDusseldorf muna Nyamavhuvhu 2015.

“Tyson akaita zvakatadzwa nevamwe vanhu vese,” akadaro Peter.

“Akaenda kuGermany ndokukunda shasha yepasi rese, uyo ainge asati ambokundwa mumakore 11.

“Aitarisirwa pasi mumutambo uyu achipindamo. Yakave nyaya yakafadza zvikuru uye handifunge kuti zvichadzokorodzwa zvakare. Zvinhu zvakafadza zvekuti tese takamufarira.

“Ndinofunga kuti achasimudzira zvakare mumutambo uyu, asi kuti rinhi handingazive zvinotoda iye ndiye anoziva.” – Sky Sports News.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *