Muza akabura zvitsva

SHASHA yemitambo yemadhirama, Weakin Muza (34), akabura mutambo mutsva unonzi Zvinotapira Zvinovava uyo une dzidziso yekuti vanhu vanofanira kugutsikana nezvinhu zvavainazvo pakurarama kwavo, kwete kuchiva zvevamwe.

“Ndinonyora madhirama kubudikidza nezvandinoona mukurarama. Mutambo wangu mutsva uyu – Zvinotapira Zvinovava – unodzidzisa  vanhu kuti vachengetedze zvavainazvo muhupenyu hwavo zvakaita sehupfumi uye kuti vasachiva hupenyu hwevamwe,” anodaro Muza.

Muchinda uyu anoti akatanga kuita zvemadhirama mugore ra2001 achiri kuchikoro.

“Ndakatanga kuita zvemitambo yemadhirama ndiri kuchikoro uye kusvika parizvino ndakwanisa kubuditsa mitambo inosanganisira Fidelis, Mhindupindu, Zibhodho, Chawagona Hapana naChandinofira.  Madhirama aya anodzidzisa zvinosangana neveruzhinji muhupenyu uye kuti vave nemwoyo murefu pakurarama kwavo,” anodaro Muza.

Zvisinei, anoti mubasa ravo vari kusangana nezvimhingamipinyi zvakasiyana izvo zvinosanganisira kutengeswa kwemitambo yavo pamisika yemikoto.

“Tiri kuzama kubuditsa madhirama emhando yepamusoro asi mari yatiri kuwana ishoma nekuti mabasa edu ari kutengeswa pamisika yemikoto mumigwagwa. Kune vamwe vanhu vari kukohwa pavasina kusakura izvo zvinotirwadza,” anodaro Muza.

Anoenderera mberi achiti, “Kuti tikwanise kubuditsa mitambo iyi tinenge tatoita mari mudemhe mudemhe nechinangwa chekusimudzira indasitiri yezvemitambo iyi. Zvisinei, hatiregi  kubuditsa mitambo mitsva, tinorovera bhora mberi! Tinoziva kuti variko vanoyemura mabasa edu.”

Muza anoti vechidiki vane matarenda mune zvemadhirama havafanirwe kunyara kutaridza zvipo zvavo uye zvakakosha kuti vatsigirwe.

“Tarenda ngaribuditswe, vanhu vanoyemura tarenda raonekwa. Vane matarenda vanofanirwa kupiwa mukana wekuataridza, zvikuru vechidiki uye ngavatsigirwe zvizere,” anodaro Muza.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *