Gadziriro dzeCossasa dzotanga

MUTUNGAMIRI wesangano reNational Association of School Heads pamwe nereConfederation of Schools Sports Southern Africa, Johnson Madhuku anoti gadziriro dzemitambo yeCossasa dzave padanho repamusoro uye Zimbabwe ichange ichirwira kuchengetedza mukombe wayo uyo yakahwinha gore radarika.

Mitambo yeCossasa ichatanga musi wa29 Nyamavhuvhu ichipera musi wa29 uye ichatambirwa kuBulawayo.

Zvikwata zvenyika dzinoti Botswana, Namibia, Swaziland, Lesotho, Zambia neZimbabwe zviri kutarisirwa kuzokwikwidza mumitambo inoti rugby, volleyball, nhabvu, basketball, netball netenesi.

Muhurukuro naMadhuku, anoti chikwata chavo chichapinda mukembi svondo rino umo chichagara kusvika mitambo iyi yatanga.

Anoti havasi vatambi vose vanotarisirwa kupinda mukembi umu sezvo vamwe vari kunokwikwidza kumitambo yemaNational Youth Games kuManicaland nekudaro vakadai ava vachange vachizosangana nevamwe vavo munguva inotevera.

Gore radarika, Zimbabwe ndiyo yakahwina mutambo uyu apo wakatambirwa kuZambia.

“Zvikwata zvedu zvemitambo yakasiyana zviri kugadzirira zvakasimba nekuti zvinoziva kuti tinofanirwa kuchengetedza mukombe wedu.

“Tinotarisira kuti zvikwata zvose zvichapinda mukembi svondo rino umo zvichagara kusvika makwishu aya atanga.

“Vamwe vatambi vari kuenda kumaYouth Games, zvakanaka chose nekuti ikoko vachange vachitoitawo gadziriro variko. Tichatumira nhengo dzedu ikoko kuno vaongorora,” akadaro Madhuku. Madhuku anoti muzvikoro muzere nevechidiki vane tarenda rinodadisa saka zvikwata zvenyika zvakaita semaWarriors, Mighty Warriors, basketball nenetball hazvifanirwe kutambudzika nekutsvaga vatambi.

“Muzvikoro mune vana vane tarenda rinodadisa zvikuru saka zvikwata zvenyika hazvifanirwe kutambudzika nekushaya vatambi.

“Kune dzimwe nyika dziri kuEurope vana vane makore 16 kana 17 ekuberekwa unotovaona vave kutambira nyika dzavo,” akadaro Madhuku.

 

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×