CHITSAUKO 17 (Ongororo: Enderero mberi)
Tinozogumisira kusangana neenzaniso inoti vanhu vaigara mumisha yakapoteredza mishoni vaidana “Savana vomunhu mumwe chete” (80).
Kudimikira kunove kushoma chaizvo. Kwekutanga kuri kutiratidza kuti upenyu kuna Rudo panguva iye hwainge husina kumira zvakanaka izvo zvinodimikirwa zvichinzi, “Zvakanga zvaita manyama amire nerongo”.
Apo Rudo anofunga nezverwendo rwake urwo rwaive rwekupedzisira kuuya kumusha, mwana wemunhu anonzwa kurwadzikana chaizvo izvo zvinonzi “paakabva abayiwa mwoyo”
CHITSAUKO 18 (Nyaya yacho):
Rudo anoita zvekuverengera kutaurira Rebina kuti ave nepamuviri achiti kana amudaidza oti nyaya iyi pfuudzei kubva payakanga yava oti ndichamuudza mangwana, kana mangwana acho asvika, kwava kutaurazve kuti mamwe mangwana.
Rudo anotanga kuita muviri Mufundisi Lovedale ndokufunga kuti ari kubvumwa nezvokudya zvapamusha asi vanokangaidzika nekuti kudya kwaRudo ndekwekuti nyobvo nyobvo chete.
Rebina ndiye anotanga kutaurira Rudo kuti ave nepamuviri izvo zvinoshatirisa Rudo zvokuti anomutuka.
Mumwedzi wechina nhumbu iya ikati haichavanzika. Rudo ndipo paanoti kwindi kupfeka zibhachi.
Rebina anonoudza Mufundisi Lovedale zvaava kufungidzira ivo ndokutanga kunyumwa kubva mumaitiro ainge ava kuita Rudo mazuva iwayo.
Vanomubvunza kuti anopfeka zibhachi iko kuchipisa kudaro, iye ndokuti hapana hapo chaanoripfekera.
Ndipo apo Mufundisi vanobva vanyanya kunyumwa ndokutsvaga zano rokuti vangabata chokwadi.
Rebina auya nekudya, vava kudya pamwepo, Mufundisi Lovedale vanomutaurira kuti mazuva iwayo havasi kunyatsa kuona kufara kwake, panenge pane chiri kumunetsa iye ndokuti ari kufunga bvunzo dzavo dzavasati vadudzirwa pamwe chete nekufa kwaamai vake.
Rebina anobva apindira achiti pamwe Rudo ari kufungawo nemukomana wake muromo waanotadza kupedza nekuti Rudo anobva aviruka nehasha. Mufundisi Lovedale anobva ati Rebina ataura hake zvaanoziva.
Anobva avataurira kuti Rudo ane pamuviri pemukomana wake ari Gweru. Akaongorora nekuverenga tsamba dzaRudo nemukomana wake vasingazvizivi apo aitsvaira mumba.
Rudo anobva aviruka nehasha ndokupopotera Rebina kwava kutanga kuchema akatsikitsira patafura Rebina achingofushunura twose neturi muguru.
Rebina apedza kutaura, panomboita runyararo rukuru runopota ruchikanganiswa nekuchema kwaRudo.
Pava pashure Mufundisi Lovedale vanobvunza kana zvainge zvataurwa naRebina chiri chokwadi, Rudo ndokugutsurira musoro.
Abvunza kuti afungei iye ndokuti anoda kuenda kumurume wake. Mufundisi ndokuti zvakanaka, ozovaudza ramangwana racho rungwanani ndokubva vasimuka kuenda kuhofisi yavo.
Mangwana acho Rudo anofumorongedza nhumbi dzake achichema ndokutora mufananidzo wake newamai vake ndokuiisa mubokisi rizere nhumbi.
Rebina anozopinda ndokumuudza kuti Mufundisi Lovedale vaimuda mumba huru kwekanguva kaduku iye ndokuzoenda shungu dzake dzaserera.
(Enderero mberi svondo rinouya.)



