Gadziriro dzenetball dzotanga

MANEJA wechikwata chenetball chenyika cheTeam Zimbabwe icho chichakwikwidza kumitambo yeAfrican Union Sports Development Region V Youth Games kuBulawayo nguva inotevera, Virginia Mutanda, anoti vatambi vavo havana zororo gore rino sezvo vanotarisirwa kupinda mukembi apo vachapedza kunyora bvunzo dzavo dzeO neA-Level.

Vatambi vezvikwata zvemitambo mizhinji izvo zvichakwikwidzwa kumutambo uyu, vana vanodzidza kuzvikoro zvakasiyana uye gadziriro dzavo dzinogona kutanga nguva pfupi iri kutevera. Chikwata chevasikana chinotarisirwa kupinda mukembi kutanga musi waMbudzi 21 apo vatambi vazhinji vanenge vapedza kunyora bvunzo.

Mutanda svondo rino akazivisa kuti chikwata chavo hachisisina nguva yekutambisa sezvo mutambo weZone V uyu wave kuswedera saka vatambi vavo vachingopedza kunyora bvunzo vachavatora vopinda navo mukembi paMalbereign Girls High muHarare.

Chikwata chenetball chakapedzisira kusangana muna Nyamavhuvhu apo chakakwikwidza kumutambo wemaYouth Games kuMasvingo uko chakahwina mitambo yacho yese.

“Tiri kumhanya-mhanya kuvarongera mitambo yakawanda nemakirabhu nekuti tinoda kuti vagohwine kumitambo yeZone V Youth Games. “Tinoziva hedu kuti vana zvimwe vachashaya nguva yekuzorora asi isu tinozviona zvakanaka sezvo mwana achifanirwa kupinda mune zvemitambo izvo zvinomubatsira kumuvaka muhupenyu hwake,” akadaro Mutanda.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×