Gakava remba rakora muto

NYAYA iya yevakadzi vaviri vekuDzivarasekwa Extension, muHarare, avo vari kurwira imba yavari kuti vose ndeyavo, yakwira mutanda.

Zvinonzi gakava revakadzi vanova nhengo dzemumwe mushandirapamwe unovakira veruzhinji dzimba rakasvika pakuva nemhirizhonga yakasiya imba iyi yapwanywa mamwe magonhi nemahwindo nguva pfupi yadarika.

Imba yamutsa mutauro iyi iri panhamba B0071 Dzivarasekwa Extension uye iri pasi peNehanda Housing Co-operative.

Gakava iri rakasvika pekuti uyo ari kuzviti muridzi wemba akange ave kugara panze nemhuri yake zvose nemidziyo apo ari kunzi iroja ndiye ave kugara mumba iyi.

Mai Ellis Mashongwa (47) vanoti ndivo muridzi wemba iyo yavari kuti yakazotorwa neroja ravo, Mai Queen Maphosa (49).

Vose vaviri ava inhengo dzeNehanda Housing Co-operative iyo Mai Mashongwa vanoti vakave nhengo muna 2005 avawo Mai Maphosa mugore ra2004.

Pakabuda nyaya iyi muKwayedza pakutanga, vakuru veNehanda Housing Co-operative vaiti vakadzi vaviri ava vachafanogara muimba imwe iyi imba yaMai Maphosa ichivakwa.

Kwayedza svondo rapera yakashanyira imba iyi ndokuwana Mai Mashongwa, avo vaimbogara panze nemhuri pamwe nemidziyo yavo, vachinzi vave kugara kumba kwemukoma wavo kuChitungwiza zvichitevera mhirizhonga yakange yaitika.

“Mai Mashongwa vakazosara vakagara panze kwemazuva 11 azere saka izvi zvakarwadza vanhu vari munharaunda kuti muridzi wemba angara panze achinaiwa nemvura muroja achidya mutambara kede ari mumba.

“Ndipo pakazouya chimwe chikwata chevanhu vachibva vaita zvekushandisa chisimba chaicho ndokupaza musuwo nemahwindo emba,” vanodaro Mai Faith Nyakabau (37) vanove muvakidzani.

Vanoti mushure mebongozozo iri, Mai Mashongwa vakazozarurirwa imba nemuroja wavo, Mai Maphosa, vachibva vapihwa kamuri imwe chete yemba yekuti vafanoisa midziyo yavo.

Kwayedza yakaonawo zvimwe zvimedu zvemahwindo nemagonhi zvakapwanywa.

Murume waMai Maphosa, uyo akaramba nezita rake, akawanikwa ari pamba apa, ndokutsinhira kuti pakaitika mhirizhonga.

“Ichokwadi, pakaita hondo pano nekuti pakangouya vanhu ndokutanga kuimba vachipwanya musuwo nemahwindo emba. Zvakaoma, vakapunza madhoo maviri nerekuseri nemahwindo ndikazogadzirisa asi ndakaona kuti amai ava havana mhosva, kungoti vari kufurirwa nevanhu vemunharaunda,” anodaro.

Paakabvunzwa nyaya yekuti vari kuvakirwa yavo imba nemushandirapamwe, akati hapana chati chatanga.

“VeNehanda Co-operative vakavimbisa kutivakira imba yedu mukati memasvondo matatu. Asi handioni paine shanduko nekuti havasati vatanga kuvaka, vari kuti havana mari saka handizivi kuti hondo iri pano ichaguma sei,” anodaro.

Akati Mai Maphosa vakange vafamba rwendo kunoona amai vake vari kurwara.

“Mai Mashongwa ndakanzwa kuti vakaenda kunogara kuhama dzavo vakamirira kuzopinda mumba mavo. Ndakaona kuti vagare pano pamba hazviite nekuti mudzimai wangu haapo, ndiri munhurumeka ini. Ko ndikazofuremerwa mhosva yekuti ndabata chibharo kana zvimwe ndinoirambira kupi? Handiti rinenge ratova jere?”

Mai Mashongwa vanoti vakazosiya vaisa midziyo yavo mukamuri iri pamba apa mushure mekunge vaita zvenharo chaizvo.

“Ndiri kudzoka kuzogara pamba pangu, ndakaenda zvangu kuhama dzangu kuzororo asi ndiri kutodzoka izvozvi. Ndiri kutoda zveEviction Order nekuti iye muroja uyu anofanira kupedzerana nevanhu vakamudyira mari yake,” vakadaro Mai Mashongwa.

Munyori mukuru weNehanda Housing Co-operative, VaAndrew Marauka, vanoti havakwanisi kuvaka imba yavakavimbisa Mai Maphosa nechimbi-chimbi nekuti vakatarisana nedambudziko rekushaya mari.

“Ko vanoda kutimhanyisireiko? Imba yavo tichavaka kana tawana mari zvekuti handifungi kuti gore rino rinopera isati yavepo asi iko zvino takati vambogara vese tichigadzirisa,” vanodaro VaMarauka.

Vanoti madzimai maviri aya ari kuita basa rekurwisana vasingabhadhare mari dzemitero weimba iyi nokudaro kana vakaramba vachinetsana vachasiyana nekugadzirisa nyaya iyi zvinoita kuti vose varasikirwe neimba yacho.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *