Hakuna ari kudzingwa basa: Utete-Masango

HURUMENDE inoti vashandi vemuzvikoro avo vari kubhadharwa mari nemasangano anomirira vabereki emaSchool Development Committee (SDC) havasi kuzorasikirwa nemabasa avo.

Izvi zvinotevera mashoko ari kuburitswa nesangano rinonzi rinovamirira, reNational Education Union of Zimbabwe (N.E.U.Z) anoti vamwe vavo vangangopererwa nemabasa.

Munyori mukuru mubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Sylvia Utete-Masango, vanoti sangano reN.E.U.Z riri kuda kuwana mbiri kuburikidza nemapepanhau richitaura manyepo.

“Hakuna hurongwa hwakadaro, hwekudzinga vanhu mabasa. Kana dai chiri chokwadi, iro sangano reN.E.U.Z ringadai rakatitumirawo magwaro anotsinhira zvavanotaura. Hatitozivi kuti kune sangano rakadaro, dzimwe nguva isangano riri kutsvagawo kuzivikanwa kuburikidza nemapepanhau,” vanodaro Dr Utete-Masango.

Vanoti masangano emaSDC haasi evashandi asi kuti anomiririra vabereki achishandisawo ruzivo rwavo urwo rwunogona kutambirwa kana kurambwa zvichienderana nekuti rwunenge rwadzama zvakadii.

Vashandi vanobhadharwa mari nemaSDC vanosanganisira vabati vemari dzechikoro, vanyori, vachengetedzi vezvikoro pamwe nevanobika nekutsvaira.

Pari zvino mune zvimwe zvikoro, Hurumende ine mabhesa navana mabharani apawo veSDC vaine vashandi vavowo vanotorawo chikamu chavo chemari pamari dzechikoro. — The Herald.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×