Vobatsira vanorwara neaids

SANGANO rakazvimirira, reZimbabwe Mighty Women of Hope, riri kuvandudza upenyu hwevanhukadzi vanorarama nechirwere cheHIV neAids kuburikidza nekuvatsigira mukuita mabhindauko emawoko akasiyana-siyana.

Muhurukuro naGumisayi Bonzo, uyo anova akatanga sangano iri mugore ra2010, anoti akauya nepfungwa iyi zvichitevera matambudziko ari kusangana nevanhukadzi vane denda iri.

“Ini ndakapinda mujeri kwemwedzi miviri gore ra2010 ndatadza kubhadhara chikwereti nekuda kwekushaya pamwe nekutambudzika. Ndiri kujeri ndakabatsira pakuvambwa kwechirongwa cheChikurubi Female Prison Support Group uye izvi ndakazvifunga ndaona kutambudzika kwevanhukadzi mumajeri, kusanganisira avo vane chirwere cheHIV neAids,” akadaro Bonzo.

“Mugore ra1998 ndipo pandakabatwa chirwere cheHIV neAids, izvi zvakandipa shungu nesimba rekukwanisa kumirira vanhukadzi nevanasikana vane chirwere pamwe neavo vanoshaya,” akadaro Bonzo.

“Zvirongwa zvatinoita musangano redu zvakasiyana-siyana zvemabasa emawoko nekudaro mamwe madzimai ave kukwanisa kuwana chouviri uye havachaita mabasa erima.”

Anoti sangano ravo rinoshanda nemamwe akaita seZimbabwe Tourism Authority, iro rinovabatsira mukutengesa zvivezwa zvavo.

“Masangano akaita seZimbabwe Tourism Authority anotibatsira kutengesa zvivezwa pamwe nemabhegi atinosona, veNational Aids Council vanotibatsirawo nekudzidzisa mararamiro atinoita nechirwere pamwe nekutisimudzira mumabhindauko edu,” akadaro Bonzo.

Anoti chishuwo chavo ndechekubatsira vanhukadzi vari kupika kumajeri.

“Munhukadzi akakosha nekudaro isu pachezvedu vanhukadzi ngatibatane mukurwira kodzero dzedu,” akadaro Bonzo.

Related Posts

Gororo rine pfuti rabatwa rahwanda muchibage

Kingstone Mapupu GORORO rainge rarura nekubira vatyairi vedzimotokari rakapakata pfuti pamugwagwa rakazobatwa rakavhumbama pakati pemunda wechibage mushure mekunge rahwanda apo raive rabira mumwe mutyairi US$50 kuBulawayo. Mbavha iyi yakakwidzwa motokari…

Makore 10 mujeri sekuru vabata muzukuru chibharo

Moffat Mungazi MURUME ane makore 68 okuberekwa wekuChikanga, kwaMutare — Harry Peter Mangani — akatongerwa kugara mujeri kwemakore gumi mushure mekuwanikwa aine mhosva yekubata chibharo muzukuru wake ane makore 28…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×