Muchaneta Chimuka
NHENGO dzeParamende dzinobva kumatunhu akasiyana-siyana nomusi weChina dzakaita musangano wekuona kuti madzimai nevanasikana vangarerutsirwe sei pamatambudziko avanosangana nawo anosanganisira mabasa asingabhadharwi (unpaid care work), izvi zvichiitwa segadziriro yeBhajeti yeNyika yegore ra2027.
Musangano uyu, uyo wakaitwa muHarare, wakakotsverwa nesangano reWomen and Law in Southern Africa uye wakaitwa pasi pedingindira rinoti “Kuumbwa kweBhajeti yeNyika ya2027: Kubva pamaonero eBhajeti inoenzanisa mikana yevarume nevakadzi”.
Dr Michael Pasara, vanove economist uye researcher, vanoti nyaya zhinji dzemhirizhonga mudzimba dziri kukonzerwa nekusaenzaniswa kwemikana pakati pevarume nevakadzi, uye kuwanda kwemabasa asingabhadharwi ari kuitwa nevanhukadzi vachishaya rutsigiro.
Mai Perseverance Zhou, vanove nhengo yeParamende inomiririra dunhu reMidlands, vakabvuma kuti madzimai nevanasikana vanotakura mutoro mukuru webasa rekuchengeta vana. Vakavimbisa kuendesa nyaya iyi kuParamende kuti patorwe matanho kuitira kuderedza dambudziko iri.

“Kubva muuchapupu hwatawana nhasi kubva kumadzimai ekumaruwa nemumaguta, takaona kuti dzimwe tsika dzezvitendero nemagariro zviri kutsimbirira vanhukadzi nevanasikana. Vakadzi vari kurarama upenyu hunorwadza nokuti nguva zhinji vanenge vachishanda. Vanoenda kunoshanda kumabasa pamwe nevarume asi, mushure mezvo, havana nguva yekuzorora kumba kana kuona terevhizheni. Nokudaro, vanosiiwa muhurukuro dzenyika maererano neruzivo nezvimwe zvinobatsira mubudiriro yeupenyu hwavo,” vanodaro.
Vanoti mamwe madzimai ave kuita zvirwere zvisingaperi nokuda kwekuremerwa nemabasa ekuchengeta mhuri asina muripo.
“Mutemo woga haugoni kuchengetedza madzimai, asi kuvandudzwa kwemichina yechizvinozvino kunobatsira kuderedza kuwanda kwemabasa aya kuvanhukadzi. Tinokwanisa kushandisa gasi pakubika nemichina yekuwachisa uye kuona kuti zvibhorani zvacherwa panzvimbo dziri pedyo navo kuti tirerutse mutoro wekufamba nzendo ndefu pakunochera mvura. Nokudaro, tinoda kuti tiwane zvinhu zvose zvinotigonesa kuita basa iri kuburikidza nekubviswa kana kuderedzwa kwemitero yemidziyo inopinzwa munyika,” vanowedzera.
Vakafanobata chinzvimbo chasachigaro weKomiti yeParamende inoona nezvemabasa evanhukadzi, nharaunda uye kusimudzirwa kwemabhizimusi madiki neasati akura, Mai Priscilla Moyo, vanoti, kubatsirana mabasa kwakakosha uye hakurevi kuti varume vanenge vakadyiswa kana kupusa.
Vanokurudzira varume kuti vange vachitsigira zvakare madzimai avo mukuchengeta vana, zvikuru apo vanotora zororo remateneti revarume (paternity leave), iro riri mumutemo wenyika.

“Tichine dambudziko revarume vanoti kana zviya vatora zororo remhando iyi vanotoswera zvavo kumabhawa vachitora zvinodhaka. Zororo iri rakadzikwa nenzira yokuti baba vazvipe nguva izere yekutsigira amai mushure mekusununguka kuti vasawandirwa nemabasa atiri kutaura asingabhadharwi,” vanodaro.
VaWalter Vengesai, vanove national director wePadare/Enkundhleni — The Men’s Forum on Gender, vanoti vanhurume havafaniri kutya kuve chiseko chenyika nokuda kwokuti vanenge vachibatsira madzimai avo mabasa epamba.
“Varume vanogona kugezesa vana, kubika, kuchera mvura nekuita mamwe mabasa epamba zvisingarevi kuti vanenge vadzikisirwa zvokuti havachisiri varume kwete, asi kuva neruzivo rwokuti mumwe wangu anoda kubatsirwa kuti awanewo kuzorora.
Vamwe vanobatsira madzimai nekuvatsvakira vasikana vebasa kana kuvatengera matarakita ekurimisa. Zvose izvi zvakakosha nokuti zvinoita kuti vasazochema neurwere kana humwe hurema hunounzwa nemamwe emabasa avanoshanda,” vanodaro.
Pix – Mabasa asingabhadharwi (25-09-26)
Mai Perseverance Zhou, Mai Priscilla Moyo, Dr Michael Pasara




