Gandanga rouya kumusha!

Trust Khosa

GANDANGA riri kuuya kumusha!

Kungoziviswa kwazvakaitwa chete kwakaita pave nemufaro mukuru mudariro rezvemimhanzi muZimbabwe.

Kudzoka kweshasha yemusambo weChimurenga, Thomas Mapfumo, mwedzi unotevera kuzoridza pamuchato waJah Prayzah hakusi kuuya kuzongoridzawo njee, asi kudzoka kumusha kuzere nechishuvo kwemumwe wevaimbi vane mukurumbira pasi rose.

Panguva yehondo yerusununguko rweZimbabwe nepamakore akazotevera nyika yawana kuzvitonga kuzere, Mapfumo akave izwi revoruzhinji, achishandisa mhanzi kutaura chokwadi nekukurudzira kuti zvido zvavo zvizadzikiswe.

Mushure mekuenda kuUnited States, uko kwave musha wake wechipiri, zvizvarwa zvakawanda zvemuZimbabwe zvange zvofunga kuti haachafi zvakare akaridza mhanzi munyika yake yechizvarirwa.

Kunyangwe zvazvo akambodzoka muna 2018, ainyanyoita mashoo ake kuSouth Africa neZambia. Izvi zvaiita kuti vatsigiri vake vemuZimbabwe vasare vaine chidokwadokwa chokuti amboita mashoo munyika.

Nomusi weMuvhuro, dandemudande raka“putika” apo Mapfumo akazivisa kuti achange achiuya kuZimbabwe kuzoridza pamuchato waJah Prayzah asati adzoka muna Mbudzi kuzoridza zvakare pabhavhadhe ramuzvinabhizimusi Wicknell Chivayo.

Muhurukuro neZimpapers Arts and Entertainment Hub nguva pfupi yadarika, Mapfumo akabuditsa pachena kuti chinhu chikuru chaanoda ndechokuti azovigwe muZimbabwe kana achinge afa.

Anoti zvakare zvisinei nokuti agara mhiri kwemakungwa kwemakore akawanda, Zimbabwe inoramba iri musha wake.

Shasha yemimhanzi iyi yakaramba zvakare mashoko okuti inotya kudzoka kuZimbabwe, ichiti yagara ichinzwa kusununguka kana iri munyika muno.

Pamakore 81 okuberekwa, Mapfumo anofanirwa kunge achiyemurwa zvakanyanya nebasa guru raakaita mukusimudzira indasitiri yemimhanzi muZimbabwe.

Kudzoka kwake panguva yeSecond Republic haisi budiriro chete yechikamu chezvimimhanzi, asi kuti iyeuchidzo zvakare yokuti vanhu vakakoshera nyika vanofanirwa kupembererwa vachiri vapenyu.

Kunze kwekuita zvemimhanzi, kushanya kwaMapfumo kunomupawo mukana wokuti aonane nehama, shamwari nevatsigiri vake. Izvi zvinobva zvaita kuti chiitiko ichi chive chakasanangurika.

“Kushanya kwababamukuru vangu kwakasanangurika, uye hakufanirwi kuonekwa sezvisiri izvo,” anodaro Kurai Makore, uyo akaita kuti Mapfumo atambire chikumbiro chaChivayo chokuti auye kuzoita mashoo maviri aya.

“Ndakashorwa zvakanyanya padandemudande nevamwe vanhu, asi pokupedzisira mhanzi yemuZimbabwe ndiyo yazohwinha.

“Ndinongoremekedza nyaya yokuti vakabvuma kuuya kuzoridza. Izvozvo zvoga imwe yesarudzo ine uchenjeri yavakaita.

“Kunze kwezvevakavimbiswa naChivayo, tose taida kuti vambodzoka kumusha tizopemberera.

“Vagara vachishuvira kudzoka kumusha kuti vazoita mashoo uye ndiri kutarisira zvakanyanya chiitiko ichi,”

Dr Blessing Vava, uyo aimboita basa rekushambadza Mapfumo uye akambotaura mashoko okuti muimbi uyu aizodzoka chete kumusha, akafadzwawo zvakanyanya nenyaya yokuti Mapfumo ari kuzouya kuZimbabwe.

Apo mazita aMapumo ebasa anoti Gandanga, Mukanya naLion of Zimbabwe achiri pamiromo yevanhu vakawanda, kudzoka kwemuimbi uyu ibudiriro huru munyaya dzemimhanzi.

Related Posts

Vana vaviri vatsakatika vari pamba

Kingstone Mapupu MUNYAYA inosuwisa zvakanyanya, kune mhuri mbiri — yekwaMutare neyekuMasvingo — dzakashaya vana vaviri vose vane makore matatu okuberekwa avo parizvino vari mushishi yekutsvagwa nemapurisa pamwe chete nevabereki vavo.…

Zimbabwe yosimbaradza kuenzaniswa kwemikana munyaya dzedzidzo

Muchaneta Chimuka HURUMENDE, kuburikidza nebazi redzidzo yepurayimari nesekondari, yakaparura chirongwa chiri maringe neongororo yakaitwa muzvikoro yakatarisana nenyaya dzekusimbaradza kuenzaniswa kwemikana pakati pevadzidzi vechisikana nevechikomana uye kutsigirwa kwevakaremara muzvikoro. Vachiparura chirongwa…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×