Garcia akatsiva Sanino

WATFORD yakagadza Oscar Garcia uyo aimbove murairidzi weBrighton and Hove pachigaro chinopisa chekurairidza chikwata ichi.
Garcia akatsiva Beppe Sannino kuVicarage Road apo chizvarwa chekuItaly ichi chakasiya basa mushure mekurairidza chikwata ichi kubva muna zvita gore radarika.

Chinyorwa chakatumirwa padandemutande reWatford chinoti: “Watford Football Club inozivisa kugadzwa kwaOscar Garcia kuve murairidzi wayo”.

Zvakadaro, maHornets akarwa zvikuru kuti muchinda uyu auye kuchikwata chavo kunyangwe hazvo aidiwa nezvikwata zvakawanda.

“Oscar anoziva basa rake uye kutungamira kwaakaita chikwata chemuChampionship ichi kusvika kumaplay-offs egore radarika ndiko kwakatituma kumupa basa iri.

“Munhu wese kuVicarage Road anoshuvira zvakanaka kuna Oscar mubasa rake iro raari kutanga iye zvino,” chakadaro chikwata ichi.

Watford ichange ichitarisa kuna Garcia kuti atungamire vamwe vatambi zvichitevera kutanga kwavakaita mwaka wegore rino zvakanaka muligi reSky Bet Championship. Chikwata chake chitsva ichi chakagara pechipiri muligi mushure mekuhwina mitambo mina kubva pamishanu yachatamba kusvika parizvino. – Sky Sports News.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×