Gava rakapinda nepahwindo

Kingstone Mapupu
MUDZIMAI ane makore 58 okuberekwa nemuzukuru wake wemakore gumi vanogara papurazi reMarirangwe, kuMarondera, vanonzi vakapunyuka rufu nepaburi retsono apo vakapindirwa mumba negava ndokurumwa.

Vaviri ava vakazonunurwa neveruzhinji rwemunzvimbo iyi.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza, vanoti izvi zvakaitika mangwanani emusi wa11 Gumiguru.

“Tine nyaya yegava rakapindira ambuya nemuzukuru wavo mumba apo rinonzi rakasvetuka nepahwindo raiva rakashama risina masimbi kana magirazi akavhara ndokuvaruma varere. Lucia Maida (58) akarumwa kurudyi neparuoko rweruboshwe apo muzukuru wake akarumwa pagumbo rekuruboshwe,” vanodaro Insp Mwanza.

Mudzimai uyu anonzi aona kuti zvinhu zvakanga zvaipa, akaridza mhere zvikanzwikwa neruzhinji rwakabva rwamhanyirako ndokuvanunura apo vakawana gava iri riri mumba.

“Mumwe wevagari vepapurazi apa ndiye akaita zvivindi ndokujajada kutema gava iri nedemo richibva rafa. Vaviri vaiva varumwa ava vakazoendeswa kuchipatara cheMarondera uko vakasvikorapwa ndokudzokera kumba, ” vanodaro.

Insp Mwanza vanoti nzvimbo iyi haiwanzoonekwa makava uye vanokurudzira veruzhinji kuti vachengetedze misha yavo nekuisa magonhi nemahwindo akasimba kuitira kudzivisa zvingada kuvapindira semhuka nemakororo.

Mutauriri webazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka dzesango, reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority, VaTinashe Farawo, vanoti vane hurombo nezvakaitika izvi ndokukurudzira veruzhinji kuti vakurumidze kuzivisa vebazi ravo nezvenyaya yemhuka dzinofamba munzvimbo dzavo kuti patorwe matanho akakodzera.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *