Hapana chakaipa apa: Madam Boss

Munyori weKwayedza
MIFANANIDZO yaTyra Chikocho – uyo anozivikanwa saMadam Boss – iyo yaari kuzvishambadza padandemutande akapfeka mbatya dzekutuhwinha nadzo nemimwe aine chikabudura yokonzeresa zvakawanda kune veruzhinji kunyangwe zvazvo mudzimai akaroorwa uyu ari kuti vemhuri yake, kusanganisira vanyarikani savamwene, vakuwasha nanatezvara, vanogutsikana nazvo.

Madam Boss (34) mudzimai waNgoni “Mhofela Munetsiwa” – uyo anova maneja wake zvakare – uye anoti haasi kukanganiswa nemavhidhiyo ake ari kutenderera paWhatsApp nepaFacebook apo anobuda akapfeka zvipfeko zvekutuhwina uye zvikabudura zvidiki izvo zvinosiya dzimwe nyama dzemuviri sezvidya nemagadziko ake zvakati yacha pachena.

Madam Boss anoti mavhidhiyo nemifananidzo iyi yakatorwa pabhavhadhe remukoma wake, ndokuwedzera achiti murume wake “Mhofela” ndiye anotomutora mimwe yemifananidzo inokonzeresa iyi.

Anoti izvi ndizvo zvinoita kuti aite mukurumbira nekurarama.

“Murume wangu ndiye anototora mifananidzo iyi achiitumira kuruzhinji uye vehukama havatyiswi nazvo asi ini ndinoziva kuti vanhu vanobuda nepfungwa dzakawanda,” anodaro.

Madam Boss anoti vamwene vake vanomufarira zvikuru uye dzimwe nguva anototorwa mifananidzo yakadai vari vose.

Asi anotiwo kana ari kumba kwavo anotopfekawo “zvakadzikama” achiita zvinoenderana netsika dzechivanhu.

Patsika nemagariro echivanhu, munhukadzi kana munhurume – kunyanya muroora, mukuwasha, ambuya kana tezvara – anotarisirwa kupfeka mbatya dzinonzi dzakadzikama.

Asi nekupindana kwenguva uye kuziva kwave kuita veruzhinji kodzero dzevanhu, zvava kumwene wejira kurifuka kana kuriwarira.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *