Kwoitwa gorofu yeNAC

Abel Ndooka
KUCHANGE kusingadanwe anonzwa kutanga nemusi weChitatu neChina svondo rino paChapman Golf Club, muHarare, apo vatambi vegorofu vachakweshana mumakwikwi eNational AIDS Council (NAC) HIV and Cancer Prevention Drive 4 Pro-AM Fundraising Golf Tournament.

Mutambo uyu wakananga kuunganidza mari yekutenga michina nemishonga yekurwisa HIV neAIDS pamwe chete negomarara uye gore rino pari kutarisirwa kuunganidzwa mari inosvika US$38 000 yekutenga michina mishanu inovheneka gomarara.

Vakafanobata chigaro chachamangwiza weNAC, VaAlbert Manenji, vanoti: “Gore rino mutambo uyu ndewekutsvaga mari inodarika US$38 000 iyo tinoda kushandisa kutenga michina mishanu yekuvheneka gomarara uye tinoda kushambadza zvikuru pamusoro peHIV neAIDS kuvatambi vegorofu uye kuruzhinji.”

Mutambo wegore rino unotevera wemakore adarika uyo wakaona NAC ichikwanisa kutenga michina 16 yekuvheneka gomarara iyo yakazopihwa kuzvipatara zviri kumativi mana enyika.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *