George Shaya ari kurwara

Abel Ndooka

SHASHA yakambonetsa munhabvu – George ‘Mastermind’ Shaya (77) – anonzi ari kusimbirwa nemuviri ari kumba kwake mumusha weGlen Norah, muguta reHarare.

Mastermind, sezita rake remadunhurirwa, akaita mukurumbira achitambira zvikwata zvenhabvu zvinoti Dynamos FC nechenyika chemaWarriors.
Svondo rino Kwayedza yakaedza kutaura naShaya, nhare yake ikadariwa nemudzimai wake – Gogo Agnes Shaya – avo vakazivisa bepanhau rino kuti ari kurwara.

“Baba havasi kunzwa zvakanaka, muviri wavo uri kuvasimbira, iye zvino havasi kukwanisa kutaura panhare sezvo vakambozorora.
“Tamboenda navo kuchipatara tikadzoka saka vakazorora,” vanodaro Gogo Shaya.

Kwayedza yakaedza kuvabvunza kuti chii chaizvo chiri kusimbira Shaya, ndokupindura vachiti, “Munongoziva kuti baba vakura, kwave kukura chete saka muviri unomboremerwa pano neapo. Vakazorora zvavo uye tinovimba kuti vanopora nekukasika.”

Utano hwaShaya hwagara huchidzikira kwemakore adarika izvo zvakaona shasha yenhabvu yemuZimbabwe iyi ichidamburwa gumbo rekurudyi mugore ra2019 mushure mekunge anetseka nechirwere chepasi petsoka chinozivikanwa nekuti “gangrene”.

Panguva yaaitamba nhabvu, Shaya aizivikanwa ari nyanzvi izvo zvakamuona achihwina mubairo weSoccer Star of the Year kashanu. Pari zvino munhoroondo yenhabvu yemuZimbabwe, Shaya ndiye ane mibairo yehusoccer star yakawanda.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×