Gogo vobhadharira zidombo mukombi

Freedom Mupanedemo —
MBUYA vekuShurugwi vane makore 72 okuberekwa vakakatyamadza vanhu vaive mukombi yavaida kukwira apo vakange vaine zidombo ravaienda naro kukamba yemapurisa uko vainomhan’ariria mwana wavo wavanoti ari kuda kuvaponda naro nekuda kwegakava renhaka.

Mbuya Theresa Maruta, avo vari kurwira pfuma yenhaka nemwanakomana wavo mukuru – VaSmile Sibanda – vanonzi vakazonetsana nevaridzi vekombi iyi avo vairamba kuti vapinde nezidombo muzere vanhu.

Vanhu vaive mukombi iyi vanoti Mbuya Maruta vakazobvumirwa kupinda mukombi iyi mushure mekunge vabvuma kubhadhara mari yekuti zidombo iri ritakurwe.

“Mbuya ava vakaitisana nharo nevaridzi vekombi vachiti vaida kuenda nezidombo ravo uye vakazvipira kubhadharira zidombo iri,” anodaro Rudo Chikato uyo aivewo mukombi iyi.

Vachitaura neKwayedza, Mbuya Maruta vanoti hazvaibvira kuti vasiye zidombo ravo nekuti vaida kunoratidza mapurisa epakamba yeGweru Rural Police Station seumboo hwekuti vanoda kupondwa nemwanakomana wavo VaSibanda.

Vanoti mwanakomana wavo uyu ava nemusha wake asi anoda kutora mombe dzose dzakasiiwa nababa vake mushakabvu.

“Ndine dambudziko nemwana wangu uyo anoda kutora mombe dzose.

“Akada kundiponda nezidombo saka ndakabva ndatora zidombo iri kuenda naro kumapurisa kunomhan’ara,” vanodaro Mbuya Maruta.

VaSibanda vari kuramba nyaya yavari kupomemrwa vachiti mombe dzavari kunetserana ndedzavo dzavakatenga vachiri kugara nevabereki vavo.

Vanoti amai vavo havadi kuti vagare nemukadzi nekuti vanoti zvinozovatadzisa kutengerwa tunonaka. VaSibanda vanoti vane vakadzi vatatu avo vavakasiyana navo nekuda kwekuti vaishushwa naamai vavo.

“Pandakazoroora uyu wechina, ndakazofunga kuti ndiite musha wangu, asi amai vangu vanoramba vachitevera nekuti havadi kuti ndigare nemukadzi.

“Mombe dzatiri kunetserana idzi ndedzangu, ndakadzitenga pandaigara nevabereki vangu,” vanodaro

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *