Edgar Vhera
UWANDU hwedonje rakaburwa munyika yose mumwaka wekutengesa wa2026 hwakapfuura makirogiramu 29 miriyoni, kudarika zvishoma uwandu hwegore rapera, uhwo hwaiva makirogiramu 28,2 miriyoni.
Gwaro rakaburitswa neAMA maererano nemamiriro ezvinhu mumusika nomusi wa4 Gunyana rinoti makambani ose anotenga donje akatenga uwandu hunosvika makirogiramu 29 092 558, richikosha US$7 127 677 uye ZiG 80 295 865.
Mwaka wekutengesa donje wa2026 wakapera zviri pamutemo musi wa31 Chikunguru munzvimbo zhinji. Kutengeswa kwekupedzisira kwakazoitwa mune dzimwe nzvimbo mushure mezuva iroro.
Mitengo yedonje yaive pakati peUS$0,35 neUS$0,43 pakirogiramu rimwe chete.
Donje repamusoro (Grade A) rakatengeswa neUS$0,43 pakirogiramu, Grade B neUS$0,41 pakirogiramu, Grade C neUS$0,38 pakirogiramu uye Grade D neUS$0,35 pakirogiramu.
Varimi vakabhadharwa donje reGrade D neUS$0,35 pakirogiramu, apo chikamu che70 percent chaibhadharwa nemaUS$ uye chikamu che30 percent chaibhadharwa nemaZiG, zvichienderana nemirau yeReserve Bank of Zimbabwe (RBZ).
Gwaro reAMA rinotaridza kuti chikamu che68 percent chedonje rakatengwa gore rino (19 843 502kg) chakanga chaongororwa nekupatsanurwa zvakanaka (graded), uye chikamu che81 percent chakapinda muGrade D, kana zvichienzanzaniswa nechikamu che62 percent chegore rapera.
Grade C yakatora chikamu che18 percent, Grade B ikaita chikmu che1,3 percent uye Grade A ikatora chikamu che0,5 percent.
Donje rinobva mumunda rinovandudzwa kuti ribudise shinda (lint), uye maererano nemitemo yemaindasitiri emuZimbabwe, uwandu hwepamusoro hunowanikwa muchikamu che41 percent zvichienderana nerudzi rwemuchina unogadzirisa donje racho uye kunaka kwedonje racho; mbeu yedonje inotora chikamu che58 percent uye chikamu chasara chinenge chiri tsvina inobva pakugadziriswa kwacho.
Gwaro rakaburitswa neAMA rinoratidza kuti kusvika pari zvino makirogiramu 5 983 811 edonje aive avandudzwa apo chikamu che1,3 percent chiri muchikamu chegiredhi rakanaka, chikamu che38 percent chiri mugiredhi rakanyatsosimba nepo chikamu che60,5 percent chiri mugiredhi repakati.




