Goho rokanganiswa nemamiriro ekunze

NYANZVI dzezvekurima dzakakurudzirwa kuti dzitsvage dzimwe nzira dzinoita kuti varimi varambe vachiwana pundutso mubasa ravo zvichitevera kukangiswa kuri kuitwa goho munyika nekuda kwekushanduka kwemamiriro ekunze.

Kurudziro iyi yakaitwa nguva pfupi yadarika naDr Enos M. Shumba avo vanove mukuru weWorld Wide Fund for Nature Zimbabwe (WWF) pavaitaura pakupedza zvidzidzo zvekurima kwevadzidzi vepaGwebi Agricultural College. Vakati kusanduka kwemamiro ekunze kuri kukanganisa goho zvikuru munyika.

“Tinoda kuti munge muchishandisa ruzivo rwenyu rutsva urwu kuitira pamunondopinda munyika musandure nharaunda dzedu. Tarirai muone nyika iri kusangana nedambudziko rekusanduka kwemamiriro ekunze. Ndiwo mukana wenyu wekuti muite ongororo nekutsvaka dzimwe nzira dzinoita kuti raramo yevanhu irambe ichienderera mberi mukati mezvibingaidzo izvi,” vakadaro Dr Shumba.

Vakati dingindira yegore rino rinoti “Kusimudzirwa kwekurima kwakanaka nemamiriro ekunze kunosimudzira raramo yemhuri” rinopa chenjedzo kune veruzhinji kuti vange vachigara vakagadzirira kusanduka kwemamiriro uko kunogona kuuya kuburikidza nekuwandisisa kwemvura pamwe nedutu izvo zvinoparadza goho.

“Kusanduka kwemamiriro ekunze uku kwakauya nekunonoka kwekunaya kwemvura mumakore mashoma adarika kukakonzera kurasikirwa nechibage muminda nechikamu che45 percent mumwaka wekurima wa2011-2012. Kuri kuita kuti bhizimusi rekurima ringe rakaoma kwazvo nekudaro kwave kuda kuti tinge tichishandisa ruzivo rwechizvino-zvino kuti tichiwana kudya kwenyika,” vakadaro.

Vakati kutemwa kwemiti uye kusvibiswa kwemhepo nekuda kwekuwanda kwemaindasitiri kuri kubatsira mukusanduka kwemamiriro ekunze. “Miti iri kutemwa zvakanyanya apo vanhu vanenge vari kuchenesa minda yavo, zvikuru varimi vefodya. Huwandu hwevarimi vefodya vadiki hwakawedzera kubva pa10 000 mugore ra2000 huchienda pa105 000 muna 2014 zvichikonzerwa nemitengo yakanaka iri kudaidzirwa mumisika. Vamwewo vari kutema miti iyi kuti vange vachiwana huni dzekupisa fodya,” vakadaro.

Mukuru weGwebi Agricultural College, Dr William Matizha, vakati chinangwa chavo ndechekuona kuti nharaunda dzachengetedzwa zvakanaka nekurwisa nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×