Moyes akawana basa kuSpain

AIMBOVA mutungamiriri weManchester United, David Moyes, ndiye ava maneja wechikwata chekuSpain cheSociedad.

Basa iri ndiro rekutanga raMoyes kubva zvaakadzingwa kuchikwata cheMan United muna Kubvumbi gore rino zvichitevera kutadza kuhwinha kwachakaita apo ainge ari murairidzi wacho kwemwedzi inokwana gumi.

Moyes akatsiva Jagoba Arrasate, uyo akamiswa basa nechikwata cheSociedad zvakare zvichitevera kutadza kuchisimudzira apo chiri panhamba 15 muligi reLa Liga.

Chizvarwa chekuScotland, Moyes, akasaina kondirakiti iyo ichapera mumwedzi waChikumi muna 2016 uye achatanga kushanda kuchikwata ichi kuDeportivo musi waMbudzi 22.

Vechikwata cheSociedad vakanyora pamusoro penyaya iyi padandemutande ravo svondo rino.

“Chikwata cheReal Sociedad chapinda muchibvumirano naDavid Moyes uye zvizere zvichaziviswa nekufamba kwenguva,” vakadaro. Moyes akaudza veBBC Football Focus kuti ainge agadzirira kuita maneja zvakare asi aimirira “basa chairo”.

Zvichakadaro, Moyes akamiswa basa kuManchester United zvichitevera kutadza kukunda kwakaita chikwata ichi apo chakaita nhamba 7 muligi mwaka wakapera.

Man United yakambokunda chikwata cheSociedad nezvibodzwa 1-0 vari kuOld Trafford zvakare vakamboita mangange 0-0 kumakwikwi eChampionship League. – BBC

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×