Gomana rakawanikwa rirere mumba mevaridzi

MUKOMANA wekupinda mumba mevaridzi zvisina mvumo ndokusvikorara pedyo nemubhedha —achiti nzara ndiyo yakamutuma kuita izvi — ava kuzvidemba zvichitevera kutemerwa kwaakaitwa chirango chekuti anofondoka pasina mubhadharo nedare reChitungwiza Magistrates Court.Walter Zvenyika, wemubhuku rekwaManhanha, kwaSeke, akabvuma mhosva yake yekupinda zvisina mvumo mumba maElizabeth Samukange (55), wekwaDzandura, kwekare kwaSeke.

“Hongu ndinobvuma mhosva yekupinda mumba mevaridzi asi kuti ndakange ndiri kunzwa nzara uye ndaida kuchajisa foni yangu,” akadaro.

Mutongi wedare iri, Blessing Murwisi, akamupa chirango chekugara mujeri kwemwedzi mipfumbamwe, ndokuzomubvisira mwedzi mina pachirango ichi paine chitsidzo chekuti haafaniri kupara imwe mhosva yerudzi urwu mumakore mashanu anotevera. Mimwe mwedzi mishanu yainge yasara yakabviswa zvakare ndokunzi anofanira kunofondoka kwemaawa 175.

Muchuchisi Edmond Ndambakuwa akaudza dare kuti nomusi wa11 Chikunguru munguva dzemangwanani, Zvenyika akaenda kumba kwaSamukange akasvikomuwana achikama mombe kudanga achibva amukwazisa achidarika zvake.

Mushure mekanguvana, Samukange akanzwa imbwa dzichihukura kumba kwake achibva aenda kunotarisa muimba yavo yekutandarira.

Samukange akaedza kushevedza murume wake achifunga kuti pamwe akange adzoka kubva kubindu asi hapana akamudaira.

Akazopfiga musuwo weimba yekutandarira ndokuzodzoka mushure mekanguvana achibva apinda mubheduru make kuti atore mbatya dzekuwacha panova paakawana Zvenyika arere pedyo nemubhedha.

Samukange akabvunza Zvenyika kuti aidei mumba make asi haana kupindura.

Akaedza kumudhonzera panze asi zvakakona n’anga murapwa achida kusvika azochaira murume wake nhare uyo akazouya nevamwe varume vatatu, Zvenyika achibva azosungwa naConstable Eunice Kudiwa ndokuendeswa kukamba yemapurisa.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×