‘Ndakamukira mumochari’

Tafadzwa Mutsotso

PANE mukadzi anoti akarohwa nemurume wake zvekusvika pakuendeswa kumochari achinzi ainge afa.Jane Matsarakutya akazokwidza nyaya yekushushwa kwake nemurume wake, Everisto Matsarakutya, kudare redzimhosva reHarare Civil Court achiti: “Murume wangu anondimanikidza kuita bonde ndisingade. Anogara achindipopotera nekundidzinga pamba.“Ini handina kwandinoenda nekuti ndachembera, handingasiye vana vangu nekuda kwake. Anofurirana nehama dzake vachitengesa midziyo yangu nekundikutsirana kuti ndiende kumusha kwangu.

“Vanogara vachindirova. Rimwe zuva vakandidzipa pahuro kusvika ndafenda ndikazotakurwa kuendeswa kugomo (Harare Central Hospital) nevavakidzani.

“Ndakasvika ndichiiswa mumochari ndikatozoburitswamo nenguva dzeina dzezuva rovira zvaonekwa kuti handina kufa,” akadaro Jane.

Everisto akapikisana naJane achiti dambudziko riri paari nderekuti haadi kutsiurwa.

Akaudzawo mutongi wedare iri, Gamuchirai Siwardi, kuti: “Dambudziko riri pana amai ava nderekuti havadi kutsiurwa. Vanokwereta zvekuti ndinopedzisira ndisisina mufaro pamba vanhu vezvikwereti vave kutevera mari dzavo. Vanopopota zvekuti kana ndakarara ndinoti hakuchiedzi here?

“Pamba paari kuti ndinomudzinga handizivi kuti ndakamudzinga rinhi.

‘‘Iye ndiye anondipomera chipfambi chandisingaite. Zvaari kutaura zvose manyepo aya.”

Mutongi Siwardi akapa Jane gwaro redziviriro.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *