Gomana rochiva amai: ‘Anondipindira mubhedhuru’ ‘Orara pamudhedha wangu’ ‘Pamwe pacho ondikikiritsa’

Tendai Gukutikwa

MURUME wekwaMutare ane makore 32 okuberekwa ari kupomerwa mhosva yekuchiva amai vake vekumubereka zvekusvika pakuda kuvaita mudzimai sezvo achimbowanikwa “akatotyora” zvake pamubhedha wavo uye dzimwe nguva anorara achivagogodzera kuti vamuvhurire mumba mavo mavanenge vakavata.

Amai ava vave kutotyira kuti zviri kuitwa nemwanakomana wavo uyu anokwanisa kuzovabhinya kana kuvaponda sezvo aine nhoroondo yekupara mhosva achimbonopika jeri.

Future Matya (51) akadurura zviri pamwoyo pake kudare reMutare Civil Courts svondo rapera apo aitsvaga gwaro redziviro kubva kumwanakomana wake, Severino Mhosva.

Anoda zvakare kuti mwanakomana uyu adzingwe pamba sezvo achiti anomubira mari yake nekumurova.

Mhosva haana kuenda kudare musi uyu kuti anopawo divi rake pamberi pemutongi Muzvare Notebulgar Muchineripi.

Matya anoti Mhosva akatosvika pakumukikiritsa kakawanda achiedza kumuita mudzimai.

“Nguva zhinji, ndinopepuka ndichiona mwanakomana wangu ari pamubhedha pangu. Ndinotozoridza mhere kuti ndinunurwe nevavakidzani vangu,” anodaro.

Anoti nekuda kwaizvozvo, ave kutokiya gonhi remba yake yekurara nguva dzemanheru.

“Handisati ndambonzwa nezvemwanakomana anochiva amai vake vakamubereka. Anogogodza pamusiwo pangu husiku hwose, achikumbira kuti ndimuvhurire apinde. Handichazvikwanisi zvachose uye ndinoda kuti abve pamba pangu.

“Handisisina zororo pamba pangu. Ndakatenga sitendi iyi ndikatambudzika zvikuru nekuivaka mushure mekunge baba vake vafa asi iye zvino ave kuda kundidzinga pamba pangu,” anodaro Matya.

Anoti nguva yadarika, mwana wake akambomiswa mudare mushure mekunge amubaya nebanga.

“Anondityisidzira nebanga zvekuti ndakamumhan’arira kakawanda kumapurisa. Imbavha inozivikanwa zvikuru uye akabatwa nemhosva mumatare kakawanda.

“Mushure mekupikira mhosva dzake, anodzoka kumba oenderera mberi nehunhu hwake. Anoba kunyangwe mari yangu achiishandisa kutenga zvinodhaka.

“Tikaramba tichigara pamba pamwechete, ndinotya kuti nerimwe zuva achandiuraya,” anodaro Matya.

Muzvare Muchineripi akapa Matya gwaro rinomudzivirira uye ndokumupa zano rekuti anyorere kudare achikumbira kuti ridzinge mwanakomana wake pamba pake.

Matya akaudzwawo kuti amhan’arire Mhosva kumapurisa kana akazozama kuda kumubata chibharo zvakare.

Matya anoti Mhosva akatosvika pakumukikiritsa kakawanda achiedza kumuita mudzimai.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×