‘Gomarara neHIV neAIDS zvinodyidzana’

SANGANO reCancer Association of Zimbabwe rinoti chirwere chegomarara neutachiona hweHIV nedenda reAIDS zvinofambidzana nekudaro vanhu vakawanda vane denda iri vanopedzisira vabatwawo negomarara.

Vachitaura svondo rapera kuMacheke pamusangano wevatori venhau wakarongwa nekanzuru yeNational Aids Council (NAC), Muzvare Priscilla Mangwiro vekuCancer Association of Zimbabwe vanoti vanhu vazhinji havasati vave neruzivo rwakakwana maererano nehukama huripo pakati pegomarara neHIV neAIDS.

“Vanhu vazhinji vane dambudziko rekuti havasati vave neruzivo pamusoro pegomarara. Chirwere chegomarara chinowanzoenda pamunhu ane muviri usisina masoja akakwana ekudzivirira zvirwere. Izvi ndizvo zvinoita kuti kazhinji kacho munhu anenge abatwa neutachiona hweHIV neAIDS akasike kubata gomarara.

“HIV neAIDS inoita kuti masoja emumuviri anodzivirira zvirwere ashaye simba rekurwisa zvirwere zvakasiyana zvingabata mumuviri. Chikamu che60% chevanhu vane gomarara vanenge vaine HIV neAIDS.

“Izvi zviri kuita kuti huwandu hwevanhu vari kubatwa negomarara huwandewo mudunhu reSub-Saharan Africa nekuti ndiro zvakare rine vanhu vakawanda vane HIV neAIDS,” vanodaro Muzvare Mangwiro.

Vanoendera mberi vachiti vanhu vazhinji vari kuita dambudziko rekunonoka kuenda kuzvipatara nemakiriniki kunotariswa zvirwere zvavanenge vanazvo, zvimwe zvinozoonekwa zvagodza kuti igomarara.

“Sesangano, tiri kukurudzira vanhu kuti vakasike kuongororwa gomarara kuzvipatara, kunyanya kana vakarwara zvavasinganzwisisi. Madzimai mazhinji anononoka kutariswa, vamwe vanozoenda kunoongororwa kana vachinge vatova negomarara, kunyanya repazamu.

“Gomarara rinogonawo kuonekwa neronda risingapori asi vazhinji vanovarairwa. Gomarara zvakare rave kubata chero vana vadiki kana vanhu vechirume vanokwanisa kubatwa naro. Kunanzva nhengo yababa kana yaamai vanhu vari panguva yebonde kwakaonekwa kuti kunokonzeresa gomarara.

“Kune dzimwe nyika kwatova nemakondomu anoshandiswa kana munhu achinanzva nhengo yemumwe wake,” vanodaro.

Zvichakadaro, sangano reCancer Association of Zimbabwe rinoti richiri kuita ongororo yekuona kuti mafuta anozorwa neveruzhinji ekutsvukisa pamwe chete nekuputa glue hazvikonzerese gomarara here.

Related Posts

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Ndaitya kuti ndave kufa: Seh Calaz

Langalihle Mhiti SEH Calaz, kekutanga, anoburitsa pachena kuti aitya kuti akange ave kufa apo akarwa zvakanyanya gore rapfuura. Shasha yeZimdancehall iyi anotsanangura pamusoro pekupora kwake kunoshamisa uye kutenda zvakasimba kunaMwari…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×