Uyu akabva atizwa nemurume

VARWERE vegomarara vari kusangana nenyaya dzerusarura dzakawanda mukurarama kwavo dzinosanganisira kusemwa, kutukwa, kushaya pekugara kana kuparara kwewanano.

Kwayedza svondo rino yakashanyira mumwe mudzimai ari kusangana nematambudziko erudzi urwu panhamba 464-A Mufudzi Road, kuDzivarasekwa 3 ndokuita hurukuro naye.

Mercy Karumbwana (33) anoti ane gomarara remuchibereko, utachiona hweHIV nerurindi (TB).

Pamusoro pezvo, anoti akatizwa nemurume nekuda kwematambudziko aakatarisana nawo.

“Ini ndiri munhu ari kurarama neutachiona hweHIV uye ndiri kutora mishonga yangu yemaAnti-Retroviral Drugs (ARVs). Ndakabatwa zvakare TB uye ndiri kutambudzwa negomarara remuchibereko kubvira mugore ra2013.

“Pakutanga, ndaisaziva kuti ndine gomarara asi kuti ndaingonzwa kurwadziwa nemusana ndiine karonda kasingapore mukati mesikarudzi ndichingobuda ropa netsvina chena inonhuhwa. Ndakazoenda kuHoward Mission Hospital uko ndakanovhenekwa ndikanzi igomarara,” anodaro Karumbwana.

Mudzimai uyu anoti aifanira kunge akabviswa chibereko asi haana mari iri kudiwa.

“Ndiri kutopona nekupfekera mishonga yechibhoyi pakaronda kacho iyo ndiri kupihwa neimwe n’anga yekuMasvingo. Asi dambudziko riripo nderekuti mishonga yacho yave kupera nokudaro n’anga iyi inoti inoda mari yebhazi kuti indivigira kuno. Iri kundibatsira zvayo pachena nekuti yakaona kuti handikwanisi kubhadhara mari nekuda kwehurombo.”

Karumbwana ane vana vana vanoti mapatya ane makore matanhatu, ane makore 17 neane makore mana.

“Ngonidzashe ane makore 17 akatosiira chikoro paGrade 7 nekuda kwekuti takamushaira mari sezvo baba vake, VaReason Murwira, vakatiza mushure mekuziva kuti ndine gomarara remuchibereko.

“Pamba pandinogara ndakatoburitswa mukamuri yandaigara nekutadza kubhadhara rendi. Saka ndave kutochengetwa navamwe gogo vanorojawo pano vanova vanoshandisa makamuri maviri.

“Ngonidzashe ari kutoita maricho ekunosakura muminda yevanhu kuti tiwane kudya asi dzimwe nguva anouya achichema mushure mekunge asekwa nevanhu nepamusaka pehurwere hwangu. Ndinongochema kuti kudai ndawanawo mari ndanobviswa chibereko changu gomarara risati ratekeshera pamwe ndaizotsvagawo twumabasa twekuriritira mhuri yangu,” anodaro.

Vangade kubatsira mudzimai uyu vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 0775 080 088.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×