Gonzo haripinzwi mudura!

KUVAVERENGI, igaroziva kuti pane mazuva andinotsondorodza chirevo chokuti china manenji hachifambisi. Kune vamwe, manenji vanoati mashura, vamwewo vachiti mashura unenge uri munana. Asi zvingave nyore kunzwisisa ndezvokuti, kana museve woda nyama, unodauka pauta; kana kuti kangoma karirisi, ndiko kaparuki.

Svondo rapfuura, President Mugabe vari kumusangano weYouth League kudunhu reMatabeleland North, vakayambira zvakasimba vanhu vari kusvibisa zita ravo, remudzimai wavo pamwe chete neremusangano weZanu-PF.

Vamwe vanhu vari kunzi vari kushandisa motokari dzavo kunamira-namira mifananidzo yaPresident Mugabe naAmai Mugabe, pamwe chete nezvinyorwa zvakarerekera kubato reZanu-PF.

Zvinonzi vave kushandisa zvinhu izvi sevanhu vakazora mafuta eshumba, kuitira kuti kana vasvika pane mapurisa (roadblock), kana pamatoll gates varege kumiswa nokubhadhariswa.

Iye zvino tave kunzwawo kuti vamwe vave kufamba vachirova nokufurufusha vanhu, vachishandisa zita remusangano, remutungamiri wenyika neraAmai Mugabe.

Masikati emusi wa4 Ndira gore rino, Mukwende akakwezvwa nekamotokari katsvuku kaifamba mumugwagwa Rotten Row, muHarare akakatora mufananidzo.

Chakakwezva maziso rupawo (signature) rwemutungamiri wenyika rwuri panoiswa number plate dzemotokari.

Mukwende akaonawo zvakare kuti padumbu remotokari iyi pakange paine mufananidzo wemutungamiri wenyika nemudzimai wavo, vakasimudza maoko, asi zvisiri kunyatsoonekwa kuti vari kuita slogan here.

Ndinzwei vaverengi, nemi varidzi vemotokari iyi. Handisi kuti ndimi vevamwe vaitaurwa nemutungamiri wenyika, asi ndakatanga kuzvibvunza kuti zvema”personalised number plates” ndokwazvasvikasu?

Muridzi werupawo wacho akapa mvumo here? Anowanei pazviri? Ko vazhinji vakazvidawo, sangano rinopa motokari ma‘‘number plate” rinozozvifambisa sei? Ko iwo mapurisa vanozvifambisa sei kana vachisangana nemotokari dzakadai?

Yakave fungira mumwoyo rwendo rwembwa, kusvika tasvika patave nhasi, musangano weZanu-PF wave kuti ngazvibviswe, uyewo kuti musangano ngauve nenzira dzokuvheneka zvinhu zvinganamirwa pamotokari.

Asi zvinopa kuti uzvibvunze kuti vana mujibha nana chimbwido venguva yatiri kurarama nhasi vari kupi, kuti vave maziso nenzeve dzomusangano navanhu?

Matanho ari kuda kutorwa haana kuipa, asi kunenge kunamira kabhandiji kanodonha pasina nguva, nokuti nhubu idzi hadzina kuzvitanga nhasi.

Vanoramba vari mberi, nokuti vane zvinangwa zvokuparadza. Mazuva embavha dzaitora nzvimbo dzekanzuru neHurumende vachitengesera vanhu masitendi, vakashandisa zita remusangano nemutungamiri wenyika.

Pese pese pasina kuvakwa muHarare waingoona pakaiswa mureza, vanhu vofunga kuti zvapasiswa. Waizoonawo zvakare zvikwangwari zvokusimbaradza vanhu kuti vafunge kuti masitendi avari kutengeserwa zvinhu zviri pamutemo. Vazhinji vakabirwa mari, mbavha dzacho dzichiriko, kuita kunge vasingasungike.

Zvokushandisa mazita avakuru-vakuru nemifananidzo yavo zviri kuitwa mubato reZanu-PF chete here?

Kwete! Anenge atove mararamiro amazuva ano nokuti kana machechi chaiwo vave kuzviitawo. Dzizere motokari kana mabhazi zvaunoona zviine mifananidzo yavakuru vekereke.

Vasingakwanisi zvemifananidzo mikuru iyi, unoona vachinamira masticker. Vanenge vachida chete kuti vazivikanwe kuti vanonamatira kupi uye nani.

Hazvina kuipa, asi dambudziko razvinopa nderokuti kana wasvika pavanhu vomutemo, unenge uchida kuti vatange vaziva iwe here, kana kuziva mufundisi nechechi yako, kunyanya vafundisi vane mbiri ndiani?

Kufarirwa hakuna kuipa, asi chakaipa ndechokushandisa zita romumwe munhu kuita mabasa akaipa – kuba, kurova kana kuponda chaiko. Hazvinawo kunaka kuisa pfungwa yokutyisidzira muvanhu kuti kana ukasatsigira ngana, unozviona.

Svondo rinouya tinotambanudza hunhu uhu tichitarisawo kuti hazvisi kuperera pamotokari pamunogona kuzvikwatanura, asi kuti paInternet ne”social media”, ndipo pakazara hunhu hwese hwokutyisidzira nokutukirira vanhu munhu achishandisa mifananidzo yemunhu ane mbiri. Vamwe vanotsvagawo kubira vanhu nenzira idzodzo. Gonzo haripinzwi mudura.

Related Posts

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×