Ita mari nedomasi rePrime Seed Co

Elizabeth Benjamin —
KAMBANI yePrime Seed Co inotengesa mbeu dzakauchikwa dzemiriwo (vegetables) yakasiyana pamwe chete nembeu dzemafuro ezvipfuyo. Prime Seed Co inozivikanwa nekutengesa mbeu dzakauchikwa zvemhando yepamusoro idzo dzinodaidzwa kuti ma”hybrids”.

Ma”hybrids” akanakira varimi nokuti anopa goho repamusoro uye goho racho nderemhando inoyevedza (good quality) iro rinomhanyirirwa nevatengi pamusika. Goho rinobva pambeu yema”hybrids” rinogara nguva yakareba risati rakanganisika. Izvi zvakanakira murimi nokuti kana miriwo yacho yakawandisa pamusika, murimi anokwanisa kumbomira kutengesa goho rake zvichizomupa mukana wekuritengesa kana mitengo yakwirira.

Prime Seed Co inokurudzira varimi kuti pese pavanoda kutenga mbeu dzemiriwo dzakasiyana, ngavatange vabvunza nezve “hybrid” yembeu yacho. Kune vamwe varimi vanowanza kumhanyira kutenga mbeu nokuda kwekuti dzinenge dzakareruka pamutengo kudarika ma”hybrids”. Aiwa varimi, akupanga zano ndewako. Zvakachipa zvinogona kuzokudhurira kumunda nokuda kwekuti zvinenge zvoda kufiritwa rusingaperi.

Vhiki rino tichakurukura nezvembeu yemadomasi (tomatoes). Prime Seed Co inonzwa manyukunyuku nokuda kwembeu dzemadomasi dzavanouchika nekutengesa. Kambani iyi ine mhando dzemadomasi dzinodarika sere. Izvi zvinopa murimi mukana uzere wekuti asarudze mheu inoenderana nezvinodiwa nevatengi vake.

Dzimwe mhando dzemadomasi dzinotengeswa nePrime Seed Co ndedzinoti Daisy, Akela, Aya, Pietrarossa, Nash, Chibli, Vaquero, Mouna neVectra. Mbeu idzi dzinosanganisa dziya dzinotengeswa pamusika dzakadaro (fresh market) nedziya dzinozovandudzwa kana kugaiwa dzichigadziriswa chimwe chikafu (processing).

Nhasi tichasarudza mbeu dzemadomasi mbiri dzatichapenengura nezvadzo. Mbeu idzi ndedzinoti Daisy neAkela.

DAISY:

Daisy imhando ye”hybrid” iyo inokura isinganyanyi kuenda mudenga. Daisy idomasi rinokura zvinoyevedza nokuti rine mashizha akawanda, ayo anobatsira kuvharidzira zuva kuti risarova madomasi. Madomasi eDaisy ndeedenderedzwa, anokura zvokuti rimwe chete rinogona kuita huremu hunosvika 200-250grams.

Madomasi eDaisy anotsvuka zvinoyevedza uye akasimba zvokuti haatsemuki. Kana akohwewa, anogara kwenguva refu asina kukanganisika.

Ve Prime Seed Co vanokurudzira kuti mbeu iyi iisirwe zvimiti newaya kuitira kuibatsira kuti imire zvakanaka. Daisy rinokasira kusvika zvokuti murimi anokwanisa kutanga kurikohwa mumashure memazuva makumi masere (80 days).

Chakanyanya kunakira Daisy ndechekuti harinyanyi kubatwa nezvirwere zvakawanda mumunda zvakaita seVerticillium wilt, Fusarium wilt nemanematodes.

Daisy rinoshingirira pazvirwere zvakaita seTomato yellow leaf curl nelate blight. Izvi zvinobatsira kuti murimi asazonyanya kufirita.

AKELA:

Akela idomasi rehybrid rinokura uye risinganyanyi kuenda mudenga. Madomasi eAkela ndeedenderedzwa, anokura zvokuti rimwe chete rinogona kuita huremu hunosvika 180-200 grams. Izvi zvinoreva kuti domasi reAkela idiki zvishoma pane reDaisy. Dzinde reAkela rakasimba zvokuti rinomira zvakanaka mumunda uye rinoita mashizha akakura anovharidzira kuti madomasi asarohwa nezuva. NeAkela, unotanga kukohwa mushure memazuva makumi manomwe nemashanu (75 days). Rinodawo kumiswa nezvimiti newaya kuti uwane goho rakawanda repamusoro.

Akela rinoshingirirawo pakubatwa nemanematodes pamwe chete neTomato yellow leaf curl virus. Chakanyanya kunakira Akela igoho repamusoro rinogona kusvika zana nemakumi mapfumbamwe pahekita imwe chete (190tons/ha) kana uchinge waita zvese zvinodikanwa. Ndosaka vePrime Seed Co vachikurudzira varimi kuti vasarudze mbeu dzemadomasi zvine hungwaru nokuti nePrime Seed Co unoita mari pachena.

Marimirwo emadomasi ePrime Seed Co:

Madomasi ekuPrime Seed Co anoda kudyarwa pakarimwa zvakanaka uye muvhu rinorasa mvura zvakanaka. Midzi yemadomasi inogona kureba kusvika mamita maviri (2 metres deep) asi midzi mizhinji inowanikwa mu60cm dzepamusoro.

Ivhu rakanakira madomasi nderiya rinovavira kana kutapira kunosvika 5.0 – 5.8 (PH 5.0-5.8 on the Calcium Chloride scale). Senguva dzese, varimi vanokurudzirwa kuti vaendese ivhu ravo kunoongororwa. Izvi zvinovabatsira kuti vazive zvakawanda kana kushota muivhu ravo.

VePrime Seed Co vanokurudzira varimi kuti vashandise Compound C sefetireza yepasi ine huwandu hunosvika 750-1000kg/ha zvichienderana nevhu ravo. Mushure mevhiki rimwe vadyara, varimi vanofanira kuisa 25kg/ha Mono Ammonium Phosphate (M.A.P).

Vhiki rechipiri vanoisa 50kg/ha Ammonium Nitrate (AN). Vhiki rechitatu 50kg/ha AN. Vhiki rechina zvichienda mberi vanoisa 50kg/ha AN pamwe chete ne50kg/ha Sulphate of Potash (SOP). Mafetereza ese anofanira kumira mavhiki matatu vasati vapedza kukohwa. Calcium yakakosha zvikuru pakurimwa kwemadomasi. Kana calcium ikashota, madomasi anoora achibva nepasi (blossom end rot). Naizvozvo varimi vanokurudzirwa kushandisa fetereza yeCalcium Nitrate ine huwandu hwe10g/1litre yemvura vachishandisa mvura ingaita 250-300 litres pahekita imwe. Calcium Nitrate inoiswa kubva panotanga maruva muchiisa vhiki imwe neimwe.

Varimi vanokurudzirwawo kushandisa dzimwe mhando dzefetireza yekufirita yakaita seOmniboost, Nutrifoil nedzimwe dzinopawo hudyi (nutrients) hunoita kuti madomasi akure zvakanaka zvakaita seManganese, Boron, Iron, Sulphur, Zinc nezvimwe zvakadaro.

Panhau yekudiridza madomasi, drip irrigation ndiyo yakanyanya kunaka nokuti mvura hainyorovesi pamashizha izvo zvinoderedza zvirwere zvepamashizha uye nedrip mvura inoshandiswa nemazvo nechirimwa.

Zvekudiridza mvura ichipfapfaidzwa nepamusoro pemadomasi (overhead irrigation), zvinogonawo kuitwa hazvo asi zvirwere zvemashizha zvinowandawo. Madiridziro ekueredza mvura nepasi (flood irrigation), akanakawo pakuderedza zvirwere asi murimi anoshandisa mvura yakawanda zvikuru.

Varimi vanokurudzirwa kumeresa mbeu yemadomasi panesi isati yazodyarwa kumunda kana kubindu. Zvakakosha kuti murimi ashandise mbeu yakamereswa zvakanaka uye zvine unyanzvi, isina zvirerwe kuitira kuti igotangawo kukura zvakanaka kumunda. Pakudyara, varimi vanosiyanisa mitsara ne1.2 – 1.5 metres uye mumutsara wega wega mbeu dzinosiyaniswa ne30 – 40cm.

VePrime Seed Co vanokurudzira varimi kuti vasabvisa mapazi epasi (pruning) pamadomasi aya asinganyanyi kukura achienda mudenga. Kubviswa kwemapazi epasi pamadomasi aya kunovandudza kuwedzera kwezvirwere zvakaita seBotrytis nePseudomonas.

KUKOHWA:

Pakukohwa, varimi vanofanira kutanga kutanha madomasi achangotanga kuita ruvara rwekutsvukira (pink colour). Achinge akohwewa, madomasi anosarudzwa zvichienderana nekukura kwawo, madiki achiiswawo pawo ega.

Madomasi anenge asingaratidziki zvakanaka pamwe chete neayo ane zvirwere neaya anenge akatsemuka anoiswawo pawo ega.

Kuchengetedza kubva kuzvirwere nehudyi (pest and disease management):

Madomasi chirimwa chinofarirwa netumbuyu twakawanda zvakaita seinda, cutworm, whiteflies, redspider mites nemafruitworms. Chimwe chipuka chanetsa mazuva ano chinoparadza madomasi mumunda chinonzi Tuta Absoluta. Chipembenene ichi chinokuvadza mashizha, madzinde pamwe chete nemadomasi acho chaiwo.

Naizvozvo zvakakosha kuti varimi vagare vakagadzirira mishonga yakasiyana-siyana kuti chipembenene ichi chisaparadza goho. Zvirwere zvinobata madomasi zvinosanganisira early nelate blight, powdery mildew nezvimwe zvinooresa mashizha. Varimi ngavawane rubatsiro ruzere maererano nemishonga kubva kunana mazvikokota.

Madomasi chirimwa chinonakidza kurima kune murimi anoshanda nesimba. Zvakare chirimwa chinopa goho guru zvikuru sei kana washandisa mbeu dzinobva kuPrime Seed Co. Iko zvino kwava kuenda kuchidziya, naizvozvo varimi ngatimhanyei nawo madomasi. Wasara wasara pakuita mari nePrime Seed Co!

Tinokurudzira kuti murimi atsvake humbowo hwakakwana maererano nemibvunzo yemadomasi ePrime Seed Co kubva kumadhumeni eku Prime Seed Co akatekeshera nenyika yose. Onai nhare dzavo muchinyorwa chino.

Nembeu dzePrime Seed Co unoita mari!

Elizabeth Benjamin murimisi kuPrime Seed Co uye anobatika panhare dzinoti: 0731 432 590

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *