Gore rose mujeri aba mbatatisi dzeUS$8

Muchaneta Chimuka

MUKOMANA ane makore 19 okuberekwa wekuUnit J, kuChitungwiza akaigochera pautsi apo akapaza imba yemuvakidzani wake ndokuba katsaga kembatatisi dzinokosha US$8 zvichitevera kupihwa kwaakaita chirango nedare chekupika jeri kwegore rose.

Terrence Kapikinyu (19) akabvuma mhosva yake pasina kukakama apo akamiswa pamberi pemutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Court, VaAlois Midzi.

Vakamupa chirango chekugara mujeri kwemwedzi gumi nemiviri izere.

Muchuchisi VaMunyaradzi Karimazondo vakaudza dare kuti nomusi wa6 Kubvumbi gore rino munguva dzemasikati, Kapikinyu akanopaza imba yemumhan’ari – Kanda Jaure (24) – panhamba 5938 Unit J kuChitungwiza  ndokuba paketi imwe-chete yembatatisi yaivemo achibva aenda pasina akamuona.

Zvisinei, midzimu yakazodimbura mbereko apo akazobatikidzwa nemuridzi wemba ari mushishi kuba magaka mushure mekudzoka kechipiri  zvakaita  kuti amusungise.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *