Mukoma aruma munin’ina vachirwira US$30

Muchaneta Chimuka

MURUME wekuChitungwiza akazvuzvurudzirwa kudare nemhosva yekuruma munin’ina wake paruoko zvakaita kuti akuvare apo vairwira US$30 yaive yatumirwa naamai vavo.

Obrient Chirungwa (25) akaruma Dylan Tembo (22) vachirwira mari iyi izvo zvakazoona achidhonzerwa kuChitungwiza Magistrates Court.

Mutongi wedare iri, VaAlois Midzi, vakapa Chirungwa chirango chekubvisa faindi yeUS$150 kana kuti kugara mujeri kwemwedzi mitatu nechitsidzo chekuti haafaniri kupara imwe mhosva yakadai makore mashanu asati adarika.

Muchuchisi, VaMunyaradzi Karimazondo, vakaudza dare kuti nomusi wa2 Kubvumbi gore rino, vaviri ava vainge vari pamba apo amai vavo vakatumira US$30 panhare yaTembo kuti azoipa kune mukoma wake.

Tembo akabva amupa US$20 bedzi pachibva pamuka kusawirirana apo Chirungwa akanga ava kushaya zvekare US$20 yaainge apihwa.

Akabva ashevedza mumwe muvakidzani kuti abatsire kugadzirisa nyaya iyi asi zvakashaya basa nekuti paakangofuratira achidzokera kumba kwake, Chirungwa akabva aruma ruoko rwekuruboshwe rwaTembo zvakaita kuti akuvare achibva aendeswa kuchipatara kunorapwa.

Magwaro ekwachiremba akamurapa akabudiswa mudare seumbowo.

“Patakanetsana nenhau yemari, Obrient akauya nemumwe murume waakati aive mupurisa kuti azotigadzirisa asi ndakashamisika pakangoenda murume iyeye akabva anditevera ndokundiruma ruoko rwangu rwekuruboshwe ndichibva ndakuvara,” anodaro Tembo.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *