Goromonzi High izere neshasha

CHIKORO cheGoromonzi High School chakakumba mibairo yakasiyana kumakwikwi eMashonaland East Provincial Merit Awards nguva pfupi yadarika.Mukuru wechikoro ichi, VaAbishah Mujeni, vanoti vakawana mibairo yakawanda inosanganisira yekukunda muzvidzidzo zveA-Level zvakaita seScience pamwe chete nemitambo yakaita sebasketball, nhabvu yevakomana netennis.

“Mibairo iyi yakavapo kubudikidza nekushanda nesimba kwevadzidzisi. Tinotenda zvakare vabereki nekubhadharira vana mari dzechikoro nekutibatsira mune zvakaita sekutenga mabhuku ekuverenga,” vanodaro.

Muhurukuro nevamwe vana vepachikoro ichi, vanoti vanofara zvikuru nekukunda kwavakaita muzvidzidzo nemumitambo.

Hazel Ruzani, uyo ari kuita Form 2 uye achitamba chess, anoti zvemutambo uyu zviri muropa rake.

“Ndakatanga kutamba chess ndiri Grade 3 asi dambudziko nderekuti vanhu vazhinji havakoshese mutambo uyu uye havaunzwisise,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Ndakaenda kumakwikwi eAfrica Youth Games kuPretoria, kuSouth Africa, ndiri Grade 5 ndikazoenda zvakare ndava muGrade 7 kuPort Elizabeth, kwekare kuSouth Africa ndikanohwinha.

“Gore rino, ndakakunda mumakwikwi eUnder-14 ndikawana menduru yegoridhe kuAfrican Youth Games. Ndakakunda zvakare pamakwikwi emaUnder-14 eMashonaland East Provincial Merit Awards.”

Dzimwe shasha dzemitambo yakasiyana pachikoro ichi dzinosanganisira Vuyo Maphosa ari kuita Lower 6 uyo anotungamirira chikwata chenhabvu cheGoromonzi Under-18.

Ropafadzo Nyakutumba akanokwikwidza mumutambo webasketball kuConfederation of School Sports Associations of Southern Africa (COSASA) muna Nyamavhuvhu gore rino akauya nemenduru yegoridhe.

Mumwe mwana wepachikoro ichi, Rumbidzai Gumunyu, anotambira chikwata cheZimbabwe Basketball Women’s national team uye akawana menduru yegoridhe paakatamba kumakwikwi eCOSASA egore rino.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *