MUTEVEDZERI wegurukota rinoona nezvekurima kuchikamu chezvipfuyo, Cde Paddy Zhanda, vanoti vadzidzi vezvekurima vanofanira kushandisa ruzivo rwavo zvizere mushure mekupedza fundo kuburikidza nekusimudzira mabasa ekurima munyika. Cde Zhanda vakataura mashoko aya nguva yadarika paGwebi College pakupedza zvidzidzo zvekurima kwevadzidzi 44.
“Ndinofara zvikuru nekupedza kwaita vana ava zvidzidzo zvavo nekuti mucherechedzo mukuru mukuvandudzwa kwezvekurimwa munyika medu. Makoreji ezvekurima makore apfuura ose aya ari kuti burira nyanzvi apo vamwe vanoshandira muHurumende, vamwe kumasangano akazvimirira. Vose ava vari kubatsira zvakanyanya munyaya dzekuvandudza kurima munyika. Vari kupa varimi rubatsiro rwekuti vabure goho rakanaka neruzivo rwenzira dzakanaka dzekurima nadzo,” vanodaro Cde Zhanda.
Vanoti goho riri kuwanikwa munyika muzvirimwa zvakaita sechibage rakadzikira zvikuru kana zvichienzaniswa nemakore adarika.
“Izvi zvinoratidza kuti hunyanzvi hwavo (vadzidzi) hwakamirirwa zvakanyanya kumatunhu akasiyana-siyana. Hazvirevi kuti vanofanira kushandira makambani kana Hurumende chete, kwete. Ivo pachezvavo vanotova varimi vakakwana zvekuti chero vakazviitira mabasa avo ekurima vanenge vachibatsira zvikuru kuti munyika mugare muine maguta. Tinofanira kuva nechibage pamwe chete nezvimwe zvirimwa zvakatikoshera zvinogutsa nyika yose kuburikidza nekushanda nesimba kwevarimi nevarimisi vari kuburwa mumakoreji ava,” vanodaro Cde Zhanda.
Vanoti panofanira kuva nemakambani anovandudza zvirimwa nekugadzira zvakasiyana izvo zvinozotengeswa kune dzimwe nyika sezvo izvi zvichisimudzira upfumi hweZimbabwe. Zvakadaro, vanoti bazi ravo riri mushishi yekuendesa mhando dzakasiyana dzemombe dzemukaka kumatunhu enyika nedonzvo rekuti pave nemukaka unokwanirana nevanhu sezvo parizvino mumwe uri kubva kunze kwenyika.




