Vakatiza zvidhoma zvetsvina musadza

Kingstone Mapupu

MHURI iye yemubhuku rekwaGweshe, kuGuruve iyo yave kugara nekurara panze zvichitevera kuparadzwa kwedzimba nekupiswa kwemidziyo nezvinhu zvinofungidzirwa kuti zvikwambo — yakazotiza musha.Mhuri yekwaMakore yakasara iri pamhene sezvo dzimba dzose dzapera kudhirika nekutsva uye chikafu chose nemidziyo zvakatsva mumashiripiti ave nemwedzi atanga aya.

Pamusha pari kuitika manenji aya ndepaVaTapera Ernest Makore, avo vakashaika gore rapera. Moto unonzi unongotanga sechamupupuri wakambomira asi mhuri iyi yave kuona tsvina yevanhu ichingodonhera mumapoto, mundiro dzine chikafu nemune zvimwe zvekudya. Amai vepamusha uyu, Mai Fairesi Makore (60), vanoti vakatiza musha vaine mwanakomana wavo, Tatenda Makore (23) nemudzimai wake ndokunopotera kuhama kuHarare.

“Kubva mukupisirwa midziyo nedzimba nemoto watisingaone kwaunobva, muchikafu chedu, mumapoto, mundiro, mumvura yekunwa nepachivanze chose tave kuona ichingova tsvina yevanhu chaiyo,” vanodaro.

Vanoti kumusha hakuchagarika nekudaro vakambotiza vachida kutsvaga rubatsiro.

“Tiri kuno kuHarare, tiri kutsvaga kubatsirwa. Kumusha hakuchagarika, hakuchina kana chinhu, midziyo yakapera kutsva. Chekudya chaicho hatina, pekugara hatina uye vana havachaenda kuchikoro,” vanodaro.

Tatenda anoti vari kutambudzika zvikuru nekudaro vakauya kuHarare kuzotsvaga kubatsirwa.

“Kune vanoda kutibatsira vanokwanisa kundibata panhamba dzinoti 0785 995 030 kana 0734 639 780,” anodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *