Muchaneta Chimuka
CHIREVO chekuti ida muvakidzani wako, sezvinotaurwa mubhaibheri, chakashaya basa zvichitevera nyaya yerimwe gororo rekuChitiungwiza iro rakagarira muvakidzani waro usiku achienda kumba ndokumubata huruweki nekucheka homwe yetirauzi yake nebanga richibva ramubira nharembozha yerudzi rweIphone pamwechete neUS$100.
Simbarashe Makoni wekuZengeza 1 akamiswa pamberi pedare reChitungwiza Magistrate’s Court nemhosva yekuba achishandisa chisimba uye bakatwa – (Robbery as Defined in Section 120 of the Criminal Law Codification and Reform Act Chapter 9:23.)
Mutongi wedare iri, VaBatsirai Madzingira, vakamupa chirango chekugara mujeri kwemwedzi 12 uye ndokuzomubvisira mwedzi miviri nechitsidzo chekuti haafaniri kupara imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati apfuura.
Vakaenderera mberi nekumubvisira mimwe mwedzi miviri pachirango ichi nechitsidzo chekuti anofanira kuripira mumhan’ari, Andrew Mapfudza, US$550 pakurasikirwa kwaakaitwa nemari uye nharembozha yake.
Mari iyi inofanira kubhadharwa musi wa31 Gumiguru usati wapfuura.
Muchuchisi, Shamiso Charmaine Mwapangira, vakaudza dare kuti nomusi 1 Nyamavhuvhu gore rino nenguva dza11 manheru, Mapfudza aifamba mumugwagwa waChipfukuto kuZengeza 1 achienda kumba kwake apo akasangana naMakoni nevamwe vake vasati vabatwa.
Pakarepo, Makoni akabva asvikomubata nechisimba ndokubudisa banga iro akashandisa mukucheka homwe yetirauzi rake yekurudyi kwave kuba nharembozha yemhando yeIphone iyo yainge iine US$100 kuseri kwepochi yacho akabva atiza nevamwe vake.
Nomusi wa3 Nyamavhuvhu, Mafudza akaita mahwekwe naMakoni pane rimwe bhawa riri padyo neGiant Service Station kuChitungwiza achibva anyevera mapurisa anova akabva amusunga pakarepo.



