KWAYEDZA

Gororo rapihwa makore 12 mujeri

Kingstone Mapupu

MURUME wemakore 28 okuberekwa akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore gumi nemaviri nemhosva mbiri dzekuba.

Bright Chiteshe, wekwaSabhuku Nyakudya, mudunhu raMambo Rwizi, kuMhondoro, akamiswa muHarare Magistrates’ Court nokuda kwemhosva mbiri dzekuba dzaaipomerwa.

Mutauriri wemapurisa muchikamu chematikitivha eCriminal Investigations Department (CID), Detective Inspector Rachel Muteweri, vanoti nomusi wa15 Kukadzi gore rino ra2026, nenguva dza1.20 mangwanani, Bright Chiteshe (28) naBrian Chiteshe (28), vekuNehanda, kuDzivaresekwa Extension, muHarare, vakanopwanya pane imwe imba, ndokuba zvinhu zvakasiyana-siyana.

“Vaviri ava vakavhundutsira vanhu vepamba apa, kusanganisira mwanakomana wepo, ndokubvujunura zvinhu muimba yose, vachibva vaba midziyo yemagetsi, kusanganisira nhare, malaptop netablet,” vanodaro Det Insp Muteweri.

Vaviri ava vanonzi vakabva vataurira varidzi vepamba apa kuti vaida makiyi emotokari yepo yerudzi rweHonda Fit, vakabva vaapihwa.

“Mushure mekupihwa makiyi emotokari iyi, vakatadza kuityaira, ndokubva vatiza pamusha netsoka. Vakaramba vachienderera mberi nemabasa avo ekuba, zvokuti nomusi wa1 Kurume gore rino ra2026 vakadzokera pamba pamwe chete apa. Vakapinda nepahwindo, ndokuba nhare mbiri, mari nemakiyi emotokari, ndokutyaira motokari yepo yerudzi rweHonda Fit vachienda nayo,” vanodaro Det Insp Muteweri.

Vanoti nyaya iyi yakazotanga kufeewa nomusi wa16 Kubvumbi gore rino, mapurisa eCID Homicide emuHarare akawana mashoko okuti motokari yainge yabiwa iyi yaitengeswa kuchishandiswa madandemutande akasiyana-siyana.

“Mapurisa akatanga kuteverera nyaya iyi, izvo zvakazoita kuti awane motokari iyi mumusha weHighfield, muHarare, zvikabva zvaita kuti vaviri ava vasungwe,” vanodaro Det Insp Muteweri.

Vanoti vasungwa ava vakabva vaendeswa kuHarare Magistrates’ Court, ndokumiswa pamberi pemutongi Donald Ndirowei, muchuchisi ari Tariro Janhi.

“Bright Chiteshe, nomusi wa15 Gunyana gore rino, akapinda mudare redzimhosva iri, ndokuwanikwa aine mhosva mbiri dzekuba, ndokupihwa chirango chekugara mujeri kwemakore gumi nemaviri, uyuwo Brian Chiteshe ndokuwanikwa asina mhosva,” vanodaro Det Insp Muteweri.

Zvakadai, mapurisa akayambira voruzhinji kuti vasiyane netsika yekuchengeta mari yakawanda mudzimba uye kuti vasimbaradze nzira dzekuchengetedza nadzo misha yavo nedzimwewo nzvimbo dzavo.