Ticha Danga
TIRI kusimudzira nenyaya yedu yerondedzero. Muchikamu chino tinoda kutarisa mhando dzerondedzero. Tichaburitsa mafambisirwo adzinofanirwa kuitwa.
Tine mhando dzinopfuura shanu dzerondedzero idzo dzatichataura nezvadzo dzose.
Kune rondedzero yetsanangudzo (descriptive) iyo inobata mamiriro akaita chinhu – angava munhu, mhuka kana chimwewo chinhu. Chinhu chinokwanisa kutsanangudzwa ndechiya chinoonekwa namaziso, kana kubatika namaoko. Chinogona zvakare kuva chinhu chinonhuhwidzwa.
Chinodiwa kutsanangudza chinhu nomutoo wekuti munhu anokwanisa kuumba mufananidzo wechinhu ichocho mumusoro make kana asingachizivi.
Kana muverengi wechinyorwa achiziva chinhu chacho, anofanirwa kugutsikana kuti chinhu ichi chatsanangurwa nemazvo.
Mukuita tsanangudzo, kune mhando dzemazwi dzinofanira kutibatsira kusvika pamwongo wetsanangudzo yedu zvakafanana nekushandisa fananidzo kana mazwi etsanangudzo.
Kana tichida kutsanangudza murume ane mhumhu mukuru tingashandisa mazwi akaita seaya; hwitakwi, mbuswe kana hamburamakaka yerume.
Tinogona zvakare kushandisa fananidzo pahwitakwi yerume iroro tichitaura nezvemaoko anenge mazariro ekuvharisa padanga remombe nemazitsoka anenge zvikuvauro.
Dumbu rembuswe iyi rinogona kufananidzwa nerenzou yabva mukudutira mvura. Ndipo panopinda misoro yenyaya yakafanana neinoti, Imbwa yangu, Mudzidzisi wangu, Chikoro chedu kana Shamwari yangu.
Mhando yechipiri yerondedzero ndeyenhoorondo (narrative) apo tinotaura zviitiko zveupenyu.
Zvinhu zvakaitika izvi zvinogona kunge zvakaitika kwauri kana kune mumwe munhu. Chinodiwa kuburutsa maitikiro akaita zvinhu nemutowo unotekenyedza pfungwa kwete kutaura nemutoo wakaota.
Chinogona kuburitsa izvi kugona kutsvaga zvirungamutauro zvinodakadza. Munhu ari kupa nhoroondo yetsaona yakaitika akanyora achiti, “Paiva neropa rakawanda.” asiyana neanoti, “Paiva nemakuvi nenzizi dzeropa.”
Pakupa nhoroondo panoda ugo neutesve hwekushandisa tsumo, madikira nyaudzosingwi zvipauro pamwe nefananidzo.
Izvi hazvingouyi zvega asi kuti zvinotoda kudziidzirwa.
Murondedzero yenhoroondo iri pamusoro iyi ndipo panonyanya kumhanyirirwa navazhinji nekuti ndipo patinoona misoro yenyaya yakafanana neinoti, Zuva randisingakanganwi, Muchato wakandifadza, Tsaona yandakaona kana Mabiko andakakokwa.
Zvakawanda zvekunyora nekudaro vazhinji vanomhanyira ikoko.
Kana kwawanda vanhu zvoreva izvo kuti kukwikwidzana kwava kwemhando yepamusoro nekudaro kunodawo ndyaringo nezvidavado zvekurungamutauro zvemhando yepamusoro kuti ukwezve goho repamusoro.
Musoro unotaura nezvezuva randisingakanganwi unoda kuti tizive kuti rinogona kunge riri zuva rakakurwadza zvikuru muzviitiko kana kuti zuva rawakafara zvikuru. Kune zvirungamutauro zvinoburitsa kufara kukuru kouyawo zvinoburitsa kusuwa kukuru.
Chinodiwa kurongeka mupfungwa.
Taimbosangana nerondedzero yaida kuti tishandise hurongwa hwakapiwa chero zvazvo mazuva ano zvava zvishoma kubvunzo redu. Paigona kupiwa musoro wenyaya popiwa zvakare pfungwa dzekunzi usanganise nezviri mupfungwa dzako.
Izvi zvaibatsira vana kuti vasarasike kana kubuda mugwara asiwo zvaibva zvabopa utsanzi hwevana hwekuti varatidze ugo hwavo. Vaidzipwa nepfungwa dzakapiwa dziya nekuti ndidzo dzaivapa gwara rekutevedzera.
Rondedzero dzakadai dzinokurudzira hunyope kuvana nekusafunga zvakadzamisisa nekudaro manyukunyuku ekuda kuuchika mutauro anobva aderedzerwa pasi.
Tichabata dzimwe mhando dzerondedzero muchikamu chinotevera.




