‘Hausi murume pane vamwe’

Milcah Nhakura
MUKOMA akazvuvira munin’ina wake kudare achiti ari kuoneswa pfumvu nekushungurudzwa kuburikidza nekurohwa nekutukwa achinzi haazi murume pane vamwe varume.

Raphinos Zvirevo anogara panhamba 6179 Dzivaresekwa Extension, muHarare, akamhan’arira munin’ina wake Lovemore Chipani wepanhamba 5754 kwakare kuDzivaresekwa achiti ari kumutuka, kumuudza mashoko anorwadza nekumurova.

“Changamire, munin’ina wangu andishaisa mufaro. Pose patinosangana anondiita mwana mudiki achindituka, akambonditi handibatsire ndiko kusaka ndichizvara vana vanorarama nehusope,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Anondirova, achiti mukadzi wangu haabatsire, ndinofanira kumuramba. Akamboputsa hwindo repamba pangu mushure mekunge ndaregedza kumuvhurira musiwo achinditi handisi murume pane vamwe varume.

“Changamire, dai mandibatsira nekuti zvekutaura handigone. Ndinotoshaya zvekuita uye zvinondishungurudza.”

Chipani haana kuenda kudare.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Zvirevo gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *