Ticha Danga
VAVHIMI pavanorongedza nhava dzavo vanenge vaine pfungwa dzemberi uko vanoenda. Vanenge vasinadi kuzosangana nematambudziko mberi apo vanenge vachishava. Naizvozvo nhava yavo inenge iine twose twavanofungidzira kuti twungangobatsira kuchengetedza mararamiro avachazoita kana nguva yekupinda musango yakwana.
Ndizvo zvinofanira kuita mwana wechikoro apo anenge achigadzirira kuzonyora bvunzo dzake. Hazvigumiri mubvunzo chete asi kuti zvimwe zvacho zvinoshandiswa muchikoro chepamusoro kana muupenyu hwose hwamangwana. Nokudaro, nhava yedzidzo inofanirwa kutsindirwa zvose zvinofanirwa kuzivikanwa navana.
Iye zvino kwasara mazuva mashoma kuti vana vanyore bvunzo saka zvakakodzera kutora uno mukana kuti tiite dzokorodzo yezvose zvinobata bvunzo revana.
Tinoda kutanga nepepa repiri iro rinopa vana dambudziko kunyanya panyaya dzekuzviburitsira pfungwa dzakaringana dzinoda muronga sehove. Pepa irori ndiro rinoriga vana kunyanya nekuti rine hunhongwa hunhongwa hwakawanda.
Vana vanotarisirwa kupindura mibvunzo yenzwisiso mushure mekuverenga nekunzwisisa nyaya kana ndima. Ndipo pamwe panoda kutsanangurwa nekupa vana gwara ravanofanira kutevedzera kuti nzwisiso dzavo dzigoburitsa goho rakanaka.
Vana ngavaverenge nzwisiso dzavo kanokwana katatu. Kekutanga ndekekuda kuziva kuti nyaya yavari kuverenga imbori pamusoro pei. Kepiri ndekekuda kunzwisisa chaizvo zvakaitika. Pavanopedza kuverenga rwepiri paya vanofanirwa kubva vaverenga nemibvunzo yacho yose. Pavanozodzokorora rwetatu ndipo pavanenge vowana twuvatengesi twemibvunzo (clues).
Zvino kana vopindura mubvunzo ndipo pavanofanirwa kuziva kuti panotarisirwa kuti vavake zvirevo zvizere uye vachishandisa shongedzo (punctuation) dzemandorokwati.
Vakanyora zvirevo zvisina shongedzo yakakwana kusanganisira zvimiso panoita dambudziko guru.
Kana vanzwisisa ndima vogadzirira kunyora rondedzero. Rondedzero dzakakosha nekuti ndidzo dzinotakura goho guru kupfuura nzwisiso nekuti dzinoda mamakisi makumi maviri nzwisiso ichitora gumi chete.
Rondedzero dzinoda kuti munhu ave akagadzirira chose nekuti nyaya iripo inenge iri yekuti ukunde mazana akazanirana evana mukurondedzera pamusoro unenge wasarudzwa. Mwana anofanirwa kuverenga misoro yose yenyaya yakapihwa oisa pfungwa pamwe chete achifunga zviri kudiwa pamusoro woga woga.
Unofanirwa zvakare kuziva mhando dzezvirungamutauro zvinonyautsa pfungwa dzemuverengi nemukwenyi. Mwana anokurudzirwa kuti asarudze musoro waanenge anzwisisa. Mimwe misoro yenyaya inoita seyakapfava asi zvainoda zvichizoita kuti munhu azvitadze pedzisire obuda mugwara.
Kana wonyora rondedzero, zvikamu zverondedzero ngazviite hochekoche sengetani dzepajoki. Ngazviratidze kuti tiri kubva apa tichienda apo kwete kuita mvenge mvenge. Iyo rondedzero yacho ngaitevedzere mwero wakatarwa wehurefu. Haufanirwi kuita pfupi pfupi kubuda mumwero kana kuita zvakare zidambarefu kupfurikidzisa mwero.
Runyoro chairwo ngaruve rwunoverengeka chose kuitira kuti mukwenyi asarwadziwe nepepa paya paanongoribata. Ngatinyore mavara anooneka tisingasvibise basa racho. Tapedza kunyora, ngatizvipe nguva yekuverenga basa redu ratanyora kuitira kuti kana paine patinenge tapotsa tobva tapagadzirisa zvoita muchechetere semvura yemuguvi.



