Ticha Danga
RWENDO rwuno tinoda kumbotarisa mazwi aya ane mitinhimira yakafana kana zviperengo zvakafanana asi achireva zvakasiyana sekuti “bara” tichireva kuzvara kana kuti chinoiswa mupfuti.
Mazwi aya ane zviperengo zvakafanana pakunyorwa asi kana otaurwa zvinozonosiyana panokwidzwa izwi nepasingakwidzwe izwi. Izwi rinoti “guru” rinoreva zvakawanda sekuti tinoti guru remombe, inova nyama yemudumbu umo munochengeterwa zvekudya nemhuka.
Tinogona zvakare kureva guru rinogara nyoka pachuru. Tinogonazve kuti guru tichireva barika paya panoroorwa vakadzi vanopfuura mumwe pamurume mumwe chete.
Guru rinogona kushandiswa kureva chinhu chakakura sekuti gungwa guru.
Ngura zvinoreva kugeza kana kuti kukarava asi izwi irori rinoreva kutuka munhu zviya zvekumusvitsa kutsime.
Ngura zvinogona zvakare kureva kutsvukuruka kwerata kana zen’e kana kwemvura yagara kwenguva isingashandiswe. Ngura zvakare zvinotaura kusasimba kwechinhu chakaiswa mumupinyi sebadza.
Kana tichiti gwamba tiri kutarisa kuoma kwemuto kana kuti gwamba tichireva uzhinji hwamadora huri pamwe chete.
Kana vechitendero chechipositori vachishandira murwere vanokwanisa kuhaka mweya weuya ari kurwarisa murwere. Kana tosunga mombe tichida kunorima tinosungirira kana kukochekera ngetani pahaka yegejo.
Haka zvakare izita remhuka inokosheswa zvikuru iyo ine nyama inodyiwa nemadzimambo chete.
Kukomba zvinoreva kutenderedza chinhu muchichiisa pakati. Tinogona zvakare kuzotaura zvekukomba tichireva manhanga emapudzi anenge akurisa nekuomarara zvekusabikika.
Imba inorara vasikana inonzi nhanga kozotiwo nhanga zvichireva matikiti anoti madindimanga kana nzunzu.
Kana tichiona nyanza tinoidaidza kuti gungwa. Munhuwo akanwa mvura akaguta zvinonzi agungwa.
Mbiri zvinodudza mbiri kana guhu zvichida kubudikidza nemabasa akaitwa nemunhu kana kuti tinogona kuti mbiri tichiverenga zvinhu.
Tikadyara mhodzi dzemuriwo panobuda nhondo idzo tinozosima kuti tiite muriwo. Iro izwi rekuti nhondo rinogona kureva makwa okuuchira kana kuombera.
Nyanga zvinotaura kusvika pane munhu uchiita zvekuhwandira kana kunyahwaira. Nyanga zvinogona kureva mitezo yemhuka yadzinotunga nadzo.
Kana afamba rwendo rwurefu obva aneta anoti ndanyara. Uyawo anenge aita zvinhu zvinonyadzisa kana kusvodesa anotaura achiti ndanyara.
Tine vaera mhofu avo vane chidawo chekuti shava. Tinogona kuti kushava tichireva kupambara kwatinoita tichitsvagira mhuri kudya neraramo.
Tine zvakare vanhu vane rukanda rwuri pekuti pekutsvaka nekusviba vatinoti vashava.
Sora zvinoreva kuongorora nekutapa mamiriro akaita zvinhi. Sora zvakare huswa kana bundo uye kusora kudenha vanhu.




