‘Ngwarirai maguruvhani anoshandisa dandemudande‘

Kingstone Mapupu

VERUZHINJI vokurudzirwa kuti vangwarire nhubu kana kuti maguruvhani ari kushambadza midziyo yakadai semotokari pamadandemutande akasiyana-siyana uye vachizopedzisira vabira vanhu mari yavo.

Yambiro iyi inotevera kusungwa uye kumiswa mudare kwaMadiro Chikonamombe (31) wekuHatfield, muHarare nekuda kwemhosva nhatu dzekubira vanhu achiti achavatengera motokari kubva kunze kwenyika achishandisa dandemudande.

Chikonamombe anonzi ainyepera vanhu kuti anokwanisa kugadzirisa magwaro ekuti vanhu vatenge motokari kubva kunze kwenyika zviri nyore.

uyu anonzi muna Gumiguru mugore ra2025, akapihwa US$9 000 nemumwe murume aida kutengerwa motokari yerudzi rweHonda Grace.

Chikonamombe anonzi akazivisa mumhan’ari kuti motokari iyi yakanga yakatotakurwa nengarava kubva kumhiri kwemakungwa asi haina kuzobvira yakasvika kumuridzi wayo. Nemusi wa29 Ndira gore rino, Chikonamombe anonzi akazobira mumwe mumhan’ari apo akamutsotsa US$5 000 zvakare achiti yaiva mari yechibatiso chekutenga motokari.

Munhu ainzi ndiye muridzi wemotokari iyi akazoona motokari yaaiva avimbiswa isina kuunzwa ndokuziva kuti aiva atsotswa achibva anomhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

Kunze kwazvo, Chikonamombe anonzi akazobira mumwe munhu US$12 100 achiti anomutengera motokari kubva kunze kwenyika izvo asina kuzoita.
Akazosungwa akamiswa mudare reHarare Magistrates Court uye nyaya yake iri kuenderera mberi nekutongwa.

Zvakadai, munyaya inodyidzana neiyi, mapurisa eCID Commercial Crime Division akasunga Desmond Rutsito (42) wekumaMadokero, muHarare naLeeroy Manyange (28) wekuZengeza kuChitungwiza nekuda kwechikiribidi chekutengesa masitendi asipo.

Vaviri ava vanonzi vakatengesa masitendi asipo kunzvimbo dzinoti Southerton, Aspindale nekuGlenroy Shopping Centre kuHighlands muHarare.

Vanonzi vakabira vanhu vane chitsama mari inosvika US$151 000 apo vaivatengesera masitendi asipo.
Mutauriri wemapurisa kuchikamu cheCID, Detective Inspector Rachel Muteweri, vanoyambira veruzhinji kuti vangwarire pakutenga midziyo yakasiyana uye vorega kumhanyira kubhadhara mari kuvanhu kana masangano akazvimirira avasina chokwadi nawo.

“Pakutenga midziyo, vanhu vakaona kuti havachanzwisisa mafambiro ava kuita zvinhu ngavakurumidze kumhanyira kumapurisa vonomhan’ara nyaya dzavo. Mari haingobviswa kubhadhara chinhu muri pasango kana kungoisa mumabhanga evanhu musina kuita tsvakurudzo,” vanodaro Det Insp Muteweri.

Related Posts

Mutongi otsoropodza murume wekurikita mudzimai ne‘mop’

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo, uyo akarova mudzimai wake senyoka yapinda mumba ne“mop” pamwe chete nezvibhakera mushure mekunge vatadza kuwirirana, akapihwa chirango nedare chekunzi abhadhare faindi yeUS$100 uye kukundikana kwake achagara…

Mapurisa otsvaga gororo rakaba mbudzi gumi

Lovemore Kadzura MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuChipinge ari kutsvaga murume akaba mbudzi gumi ndokuuraya dzimwe apo dzakasara dzacho dzakazowanikwa dziri mudanga rake. Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×