Kingstone Mapupu
MURUME ane makore 31 okuberekwa wekwaSabhuku Muchinjiko kwaChiendambuya, kwaRusape — uyo akarwisana negarwe rikamutyora maoko ose — anoti maoko aya ave kuwora nekuda kwemaronda akakuvarira mukati.
Garikayi Chiweshe akarumwa negarwe kuLake Chivero achibata hove nemambure nevamwe vake.
Garwe iri rakamutyora maoko ose uye ndokumuruma muchiuno nepachipfuya apo pane mavanga emazino.
Murume uyu parizvino ari kugara kumba kwavatezvara vake nemhuri yake kuKingsdale, kuNorton.
Anoti ari kushaya mari yekuzvirapisa nekuti aiswe simbi mumaoko ayo ane maronda mukati uye ava kuwora.
“Ndarumwa negarwe iri, ndakaenda kuchipatara uko ndakanogara mwedzi mitatu ndichirapwa. Ndakanzi nemachiremba ndigare ndichienda kuchipatara kunotariswa maronda ari mukati uyewo nekuti ndizoiswa simbi mumaoko kuti akwanise kuita simba nekuzoshanda zvakare.
Mari yacho handina sezvo kunodiwa mari inodarika US$1 500 nekudaro ndiri kukumbira rubatsiro kubva kune veruzhinji,” anodaro Chiweshe.
Anoti maoko ake ose ava kuwora maronda ari mukati zvaita kuti akumbire rubatsiro kuruzhinji rweZimbabwe kuti akwanise kudzokera kuchipatara.
Kune vanoda kubatsira murume uyu, vanogona kumuridzira nhare panhamba dzinoti 0786 341 936 kana 0783 647 686.
“Ndinotenda Mwari nekundipunyutsa kubva mukuuraiwa negarwe iri, asi dambudziko randava naro kuwora kwava kuita maoko angu ose nekuda kwemaronda ari mukati ayo anoda kuvhurwa ndoiswa simbi nekutanga abviswa hurwa,” anodaro Chiweshe.
Murume uyu anotiwo akatushurwa ziso munjodzi yakaitika kune mumwe mugodhi kwaaiita zvechikorokoza.
Chiweshe anoti baba vake vekumubereka vakamuramba achiri chindumurwa zvakazoita kuti akurire kumusha kwaamai vake kwaChiendamuya.
“Handizive kuti ndinoramba ndichigara kumba kwavatezvara kusvika rinhi nekumira kwakaita dambudziko rangu,” anodaro.




