Hazviite, hudzvanyiriri: zwla

SANGANO remagweta anomirira kodzero dzevanhukadzi, reZimbabwe Women Lawyers Association, riri kushora zvikuru tsika iri kuitwa kwaMambo Chitsungo, kuGuruve, yekuti madzimai anenge ari panguva yekutevera vasachere mvura kuzvibhorani zveko vachinzi vanenge “vakasviba”.

Tsika iyi inonzi yakadzikwa semutemo nemasvikiro eko senzira yekuti zvibhorani zvisapwe mvura. Tariro Tandi, uyo anove mukuru kuchikamu chinoona nekufambiswa kwekodzero nemitemo nekuvandudzwa kwayo kuZWLA, anoti mitemo yakadai inodzvinyirira zvikuru kodzero dzevanhukadzi.

“Sesangano, tinoremekedza zvikuru tsika dzedu dzechivanhu sevanhu vatema. Asi zvikange zvave kusvika pakukanganisa magariro akanaka nekodzero dzevanhukadzi tinoona chivanhu chacho kuti chinenge chave kutsaudzira,” anodaro Tandi. “Saizvozvi, tarisai muone kuti mudzimai anosvika panguva yake iyi ari oga pamba pasina kana mumwe waanogona kutuma kunomucherera mvura. Oita sei ipapo?

“Kureva kuti achatadza kuzvishambidza nekuti haana mvura achirambidzwa kuenda kunosvika painowanikwa. Uku kumbunyikidza kodzero dzemadzimai zvinova zvinopesana nebumbiro remutemo wenyika yedu.”

Akazoyambira vanhukadzi vekudunhu iri kuti vatsvage chikwata chinovamirira chinokwanisa kuita hurukuro nevakuru venzvimbo iyi nechinangwa chekugadzirisa dambudziko iri.

“Zvikange zvazonetsa ndipo patinozoshandisa mutemo asi hatifungi kuti zvinodaro nekuti kune madzishe, masabhuku nemakanzura kunotsvagwa nzira dzekuti zvireruke,” anodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *