Ticha Danga
ZVIROKWADO zvikokotwa gapu rechemembere. Kubikwa kwegapu rechembere hakuna nzira chaiyo inotevedzerwa asi vanhu vanoonekwa vachinanzva mawoko kubvira mumagokora kusvika kuzvanza. Chinonyanyonakidza ndechekuti hakuna anenge achinyatsoziva kuti mugapu munei.
Gapu rerwendo rwuno tinotarisa kwatakabva kubudikidza nemitupo nemadzinza. Munhu nemunhu ane dzinde rake raabukira kubva kwariri nekudaro chiShona chinoda kuti tizive mitupo yedu, zvidao zvacho namadzinza edu.
Ndinotanga neni ini muera mhara. Vaera mhara vane mipatsa miviri kubudikidza nemadzinza avo. Kune vaera mhara vechidao cheMbuuya Chikonamombe. Vaera mhara ava vane dzinza reMashayamombe. Ndivo vane rudhende rwakabata paMhondoro.
Kunozoti vaera mhara vechidao cheChikonamombe asi vari vedzinza reveRomo. Ava ndivo vakabata paRenje.
Kune vaera moyo. Vaera moyo vane mipatsa yakawandisa zvikuru zvekuti mukuita tsvagiridzo ndakatoshaya mamwe madzinza evamwe vacho. Nekudaro vamwe vaera moyo ndichangotaura zvidao zvavo pasina madzinza. Kune vaera moyo vechidawo cheMoyondizvo vari vedzinza revaRozvi. Kunewo vaera moyo vechidao cheMoyondizvo zvakare asi ivo vari vedzinza reJiri. Kunouya vamwezve vechidawo chimwe chetecho cheMoyondizvo asi dzinza ravo riri reRuzani.
Kune Moyo Makumire vari vaDumira padzinza ravo. Vanonosiyana nana Moyo Zvarevashe vanova vedzinza reNyajena. Kunouyawo moyo vechidao cheSinyoro vari vedzinza reNjanja.
Kune Moyo Muzukuru neMoyo Zuruvi. Moyo Muzukuru ndeyedzinza raMangwende kozoti Moyo Zuruvi idzinza reNyamweda.
Vana Moyo vanotevera handina kukwanisa kuvawana madzinza avo asi variko nezvidawo zvavo. Kune Moyo Muturikwa, Moyo Sithole, Moyo Mugonderwa neMoyo Nematombo.
Vana Moyo ava vanoenda mberi vachipinza Moyo Akatakwa neMoyo Mavhimwa asi hatisiye Moyo Mushoriwa.
Vaera Shava vanopindawo nezvidao zvavo zvine mipatsa yakati wandei. Kune Shava yechidao cheMwendamberi vari vedzinza reChivero. Kunotiwo Shava Nyakudirwa avo vane dzinza revaChamaya.
Kune mumwe mupatsa weShava uri wechidao cheMutenhesanwa. Ava ndevedzinza reChiweshe asi vana Mutenhesanwa vakasiyana neShava Museyamwa. Museyamwa ndevedzinza reVahera.
Kune zvakare Shava Mufakose. Mufakose ndevedzinza raHwata. Hatipedzi Shava tisati tataura Shava Vhuramavi vedzinza rekwaSeke. Kunowanikwawo vana Shava Mazarura, Shava Mhizha neShava Nyakuviruka.
Vaera mbeva vanozivikanwa nemipatsa yavo miviri. Kune vaera mbeva vari vedzinza reVabari asi chidao chavo vachinzi Nengomashi. Vamwe vaera mbeva ndevechidao cheMhizha asi vari vedzinza reChigumbura. Vaera mbeva kazhinji tinonzwa vachidaidzwa kuti vana Musoni.
Vana Ngonya ndivo vechidao cheGushungo uye ndivo vekwaZvimba.
Tinoenderera mberi muchikamu chinotevera tichitaura zvemitupo namadzinza kuti tidzidzisane nekwatakabva uye tinoda kushandisa mukana wekupedzisira bvunzo kukudza hwaro hwechiShona chedu.
Ndiro basa regwaro riya ratati richengete dzidziso yatinowana zuva nezuva.




