MWANASIKANA wangu, ndinoda kuti ushande kwete kushandirwa. Ndinoziva kuti vasikana munoda kuchena nekuonekera, asi usakanganwe kuti mationese akapedzesa mbudzi dzevauya. Ndinoda kuti ukoshese nguva. Uzive kuti ndidye, ndidye akadya zvimbishi. Kumhanya hakusi kusvika, kunyengerwa nemashoko anotapira hakusi kudiwa. Koshesa muviri wako, koshesa shoko raMwari kwete remuporofita. Nekuti varikowo vamwe vachakuporofita kuti, “Mweya wanditi uchaita mukadzi wangu.”
Mwanasikana wangu, ndinoda kuti uzive zvaunoita. Kunwiswa nekudhakiswa, kukwidzwa mota nekudiwa nevakomana nevarume vakawanda ndiyo nzira inokurumidza kukuendesa pasi. Dindingwe rinonaka richakweva rimwe, asi kana iro rokwevewa roti mavara angu azara ivhu.
Hupenyu hwakafanana nekapu yevhu. Kana ikatekenuka, yatove nemutswi. Itya vakomana vanoteya vasikana nenzungu sevanoteya gonzo. Bepa rikanyorerwa nevakawanda, zvanyorwa pariri zvinopedzisira zvisisaonekwe kana kuverengeka.
Muviri wako ngauchene, uzive kuti chingwa chakanyobvorwa chakasiyana nechakachekwa zvakanaka, chikaiswa majarini ndokuzogadzikwa mundiro.
Ndinoda kuti ucherechedze vanhu vaugere navo nezvavanoita kuti hupenyu huve hupenyu. Kushanda hakuuraye, asi kutaura hakuna chakunoburitsa, saka mashoko ako ngaave mashoma.
Usade kudya nekunwa kudarika zvawapihwa. Usade chirungu nechausingazive chawakaona paTV nekuti hausi hupenyu. Kana vawakaona paTV vapedza zvepaTV vanoenda kudzimba dzavo kunorarama hupenyu chaihwo husiri hwekuekita.
Muka mangwanani unamate, geza kumeso, waridza pawarara, ukwazise vakuru, utsvaire marara ehunhu hwakaipa. Usamukire Facebook neWhatsApp, inyika yevanhu vari kutsvaga kunzwikwa nekuonekwa. Zvombo zvakagadzirwa kukubira nguva yako nekuronga hupenyu.
Kuzvitarisa runako pagirazi nekugeza uchidadadzika hausi hupenyu. Make-up nemapush-up bra ndezvemanyepo nekuti kana ukazvibvisa unosara wave iwe chaiye.
Iyeye munhu asina kuwedzerwa ndiye munhu waunofanira kuti vanokuda vade, kwete kuda chidhori.
Chenjera nyika yeFacebook neWhatsApp. Hadzina chokwadi uye hadzina pundutso. Kuzvitora mapikicha nekutorwa mapikicha ekuisa pamaprofile chinotoriwo chirwere chinoda kuti iwe muridzi uzvibatsire pachiri. Kuonekwa nekuonererwa kunoda wave mubhokisi pasina ari kukunyepera kuti wakafitwa nekufa.
Shanda, shanda utungamidze tsika, hunhu nekuzvidzora. Usadadire vanokuchengeta, zvikuru Mwari. Usadye seunoda kana seusingade. Zvekudya zvauri kubaya-baya uchitambisa izvozvo zvakashandirwa nemumwe munhu, zvakakosha. Kune vamwe vana vari kurara vadhakiswa kuti vasanzwe kurwadza kwenzara.
Usakoshese weave mumusoro nekuti musoro unogona kuve une njere nekufunga nyangwe usina weave. Weave ine dambudziko rekuti unosara woisonerera, asi uchikanganwa kuti Mwari pavanokutarisa usina weave vanongokuda zvakadaro. Vakakusika usina weave, uye musoro wekuronga zvinofamba hausi nekuti wasungirira vhudzi rinoyerera.
Rara nguva yekurara, kwete kurara masikati rakacheka nyika usingarware. Munhu haashaye chekuita nyangwe akabhowekana sei. Iwe usabhowekane zvekuenda kunorara, asi shandisa nguva iyoyo kuita chimwe chinhu chinobatsira iwe nevamwe.
Kupfeka kwako muromo une zvaunotaura kunyika. Ichokwadi dada nemuviri wako, asi kumwe kupfeka ngakukurovese nehana, kunyanya kana kuchiita kuti uratidze nyama kufanana nekuudza vanhu kuti, “Ndiri pano, nditarisei mutorwe mwoyo, mundione, munditaudze.”
Vanoda hove vakaenda kurwizi kunoraura vanomirira nguva refu kuti vabate. Asi kana vakasvika parwizi vakawana hove dziri kunze kwemvura dzichikumbira kuti dzibatwe, vanotya vakatiza.
Itya Mwari, uzive kuti iwe hausi wako, asi uri waMwari. Kana ukafa mangwana Mwari vakakubvunza kuti wakaitei nehupenyu hwavakakupa, uchavaudza kuti kudii?




