Ticha Danga
NYAYA yetsumo haisi nyaya yatingaite dambe nayo. Inyaya inoda kuisa pfungwa pamwe chete wonzwisisa chaizvo chinangwa chekuisa tsumo muzvinyorwa kana mukutaura. Kana vanotaura chiRungu vakakanda tsumo dzavo dzechiRungu (proverbs) tinobva tamedza mate nekugutsurira kuti pasvisvinwa chingezi.
Ndizvo zvatinofanirawo kuita kuratidza kufarira nekudada nemutauro wedu. Hatifanirwi kuona sekunge zvinoshoresa kutaura Shona yakadzama uye yamandorokwati.
“Ngezvehurura doko dzinonyika miswe.” Tsumo iyi inoreva kuti pane zvimwe zvinhu zvinoitwa navakuru chete vaduku vachirambidzwa, zvakafanana nekuita mapira pamusha. Vabve zera ndivo vanopinda mumitambo yakadai.
Vamwe vanhu vanopambadza masimba avo pazvinhu zvisina maturo kana pazvinhu zvavasina basa nazvo. Vanogona kutoshaya chido chekuda kuzvishandisa. Ndiko kusaka zvichinzi isimba redzara kutsvaga mhatso yarisingagari.
Mukurarama kwedu munogona kuitika mashura makuru kana kuti chinhu chisati chamboitika pamunhu, chigova chishamiso chikuru. Vana sorojena ndipo pavanokanda tsumo inoti, “Zvinova ngegore mukonde kufa dziso.”
Nguva dzose muupenyu zvinhu hazvifanani maitikiro azvo. Zvimwe zvinhu zvinogona kuitwa zvongobudirira asi zvimwe zvogoti tana kuramba. Ndiko kusaka vakuru vachiti gore haribvi pakabva rimwe.
Zvinonzi izvo ndizvo zvarinoda dokoriro kuripa sadza negusha. Dokoriro igurokuro uye gusha iderere. Saka apa vanhu vanenge vachida kuburitsa kuti munhu wese ane chipo chake zvekuti akapihwa basa riya raanonzwisisa uye raanogona kuita anobva anyatsoriponda nemazvo. Munhu iyeye ukamupa basa raasingagoni anoritadza.
Panofa vabereki vana ndivo vanosara parumanzombe. Vana vanopihwa kudzihama dzakasiyana. Vamwe vanenge vochengetwa naanaambuya vamwe navanatete kana kudzimwe hama pobva pashaya mutungamiri. Kana upenyu hwadai ndipo panonzi, “Hanga ikafa vana vayo vanosara voparara.”
Mukuru mukuru hanga haigare pfunde. Ichokwadi chiri pachena kuti munhu mukuru anofanirwa kukudzwa. Kukudza uku kunofanirwa kuitwa nguva dzose kunyangwe oshaya zvake simba kana kuve munhu asina chaainacho.
Mitoro yatinotakurana nayo muupenyu inosiyana. Zvimwe zvinotiremera zvekutadza kuzvitura. Ndizvozvo, kana munhu achinge atadza kuita chinhu chaange akafanira kuita nezuva rimwe haafaniri kushaya hope nekufunga chinhu ichocho nekuti zuva rinotevera anogona zvakare kuzochiita. Zvichida munhu anenge akakukanganisira, haafaniri kuvhunduka nekuti rimwe zuva uchazomubata womunyadzisa. Ndiko kusaka kuine tsumo inoti, “Chapera chii hwedza ndinhasi husiku hauriri shiri.”
“Vakafumira mangwanani hwiza dzichakabatwa nechando vakazadza masaga”. Iyi tsumo inokurudzira vanhu kukurumidza kana kumukira kuita chinhu nekuti vaya vanokurumidza nekutangira vamwe ndivo vanowirwa nemhanza yakanaka.
Rudo rwunobuda zvakanaka kana rwukaratidzwa nezviito. Kana munhu uchida munhu zvinofanira kuoneka nemabasa aunomuitira. Ndizvo zvinoenderana netsumo inoti, “Shungu dzembwa dziri mumoyo, kuhukura ndiko kukudza.”




