“DAI NDAKAZIVA” naMapira Silitha
Ongororo (Enderero mberi):
Kuzoti kana kuri kutsoka uku, tinonzwa kuti shangu dzake dzaivaima “sejombo yechipurisa” (85). Ngaachiti Chihombiro achivhurira Lindiwe gonhi remotokari kuti apinde, anoita izvi “kunge gadheni bhoyi ari kuvhurira medhemu wake” (85).
Apo Mai Toga vanouya kuzoyambira Lindiwe nekuipa kwezvaakange ava kuita, mudzimai mukuru anopindurwa pfocho naLindiwe uyo ainge ave kufemera pamusoro “sendere” (87).
Murume uyu anodira mari kuna Lindiwe izvo zvinotsanangurwa zvichinzi mari yakange yongonaya “semvura” (88). Apo Lindiwe anobata pamuviri, James Chihombiro haachabatiki nekuti akanga ava kutsvedza “sehove iri mumvura” (89). Ndipo panoonekwa Lindiwe ava kutanga kuomesa miromo “semunhu adya munyu” (89).
Lindiwe paanogamuchira tsamba inobva kumurume wake David achitaura kuti ainge achizouya kupera kwemwedzi uyu, anoikoromotsa misodzi ava kuchema ichiita “semvura” (90) kuerera. Mupurisa apo anosvika pakoreji maziso avo ari kumhanya mhanya kutarisa pose “kunge ehuku iri kutsvaga chisvo chaVaGondo” (90).
Tinoonawo tsumo dzichishandiswa. Yekutanga iri maererano nemusoro wenhau wekanyaya aka. Kuziva kuita chinhu kunobatsira asi kuzodemba kuti dai ndakaziva ndisina kuita chakati hapana nechakunobatsira nekuti izwi rekuti “dai” harifi rakagona kutungamirira munhu. Saka papeji 88 zichinzi, “. . . dai ndakaziva haitungamiri”.
Mhosva kana yaparwa haibvi yatongwa musi wayaparwa. Panopera nguva yozoti yozotongwa. Chivi kana chaitika hachibvi charatidza kuipa kwacho chiriporipotyo. Zvakaipa zvainge zviri kuitwa naLindiwe hazvaiburitsa michero panguva iyoyo. Ndosaka Mai Toga vachizozvinyaradza nemazwi ekuti, “chisi hachieri musi wacharimwa” (88) nekuti kukanganisika kwakaitwa uku pamwepo nekubatwa nekuseri kweruwoko uko vainge vaitwa kwaiburitsa mibayiro yako kwapera kanguva.
Chihombiro ainge ane muitiro kana tsika yake iyo yaive yakadzika midzi maari yekutamba nevakadzi, kana vaipa ovasiya avati njaya kwakadaro. Saka zvichinzi, “shiri inenge ine muririro wayo haiukanganwi” (89). Izvi zvinobva pane mazwi aanotaura papeji 85 apo anoti, “Ini ndinonzi Jimmy. Ndakasiya record paGweru apa”.
“MUNHU WENYAMA” naChakambodei Chirandu (93-103)
Nyaya yacho:
VaMugoti munhu aiva musharukwa akwegura zvekuroora mukadzi wechidiki zviri kure navo apo mudzimai wavo ainge ashaya.
Nekufamba kwenguva vakuru ava nevamwe mbuya vanonzi Muswa vanotanga kuwirirana zvekuti vanozogumisira vava kugara vose pamusha paVaMugoti. Mumwe musi VaMugoti vachifamba-famba zvavo pachivanze vachikushira huku dzavo mhunga, vanoona mwanakomana wavo Paul achisvika nemotokari yake aine mhuri yake inove mudzimai nevana vaviri aine shungu dzekuti baba vatsvagewo chembere yavo yaguma ura kuti vawane wokutaura naye. Ndizvo zvinozoitwa nababa ava.
Mumwe musi chembere idzi dzigere pamoto, panosvika chimwe chikomana chine tsamba iyo yaibva kuna baba vaChinoda mwanakomana waMbuya Muswa iyo yaiti amai vauye kumusha sezvo aida kuti mudzimai wake ambouya Harare, ivo vosara vachichengeta pamusha. VaMugoti vanoona kuti pane zviri kun’en’ena mumwe wavo ndokuzobvunza vanyarara.
Mudzimai anozotaura kuti zvainge zvanzi nemwana vanosara pamusha navazukuru mudzimai wake amboenda Harare kunomubikira.
(Enderero mberi svondo rinotevera.)




