Ticha Danga
KUVHANGA kukodzonga zvinhu kuti zvisangane. Madirativhange kudirwa kwezvinhu zvakawanda uye zvakasiyana mumudziyo mumwe chete zvokodzongwa imomo, zvochizopakurwa. Kazjinji madirativhange anoburitsa kudya kana kunwa kunozipa kana zviri zvinwiwa zvasanganiswa kuchiRungu zvava kunzi “punch”.
Heanoi madirativhange kuzvidzidzo zveShona. Ndakatarisa ndakaona kwasara masvondo masere kuti bvunzo risvike muna Gumiguru. Nekudaro zvakakosha chose kuti tinge tave kuita dzokororo (revision) yakadzama kusvika patinozononyora bvunzo. Mumadirativhange tinosangana nedzokorodzo yezvidzidzo zviri muzvidimbu zvidiki. Chidzidzo chekutanga chakanangana nezvidimbu zvenguva muzuva rega-rega. Vana vazhinji havagoni kudaidza nguva idzi. Ndinoda titarise panotangira nguva dzekuedza kwekunze.
Kune nguva yekunze inonzi mashambanzou. Ndiyozve mambakwedza. Iyi inguva yemangwanai kubva nenguva dzeina kusvika nguva dzeshanu (4am-5am). Ndiyo nguva inoonekwa nzou dzichishamba mumvura. Ndiwo mavambo ekuedza kwekunze. Runyanhiriri inguva dzeshanu kusvika dzenhanhatu (5a-6am) ndiyo nguva yerufuramhembwe. Rufuramhembwe mukati mezuva tinosangana narwo kaviri nekudaro tichasangana narwo kumberi. Rwatinarwo iyezvino inguva iya kunze kunenge kwachena mhembwe dzava kumafuro.
Kubvira nguva dzenhanhatu kusvika dzegumi (6am-10am) inguva yerudziyamushana vamwe vanoti rudziyakamwe. Zuva rinenge rati kwirei zvishoma risati rapisa uye richinaka. Ndiyo nguva yatinoti mangwanani.
Munguva dzegumi kusvika dzegumi nembiri (10am-12 noon) tinenge tapinda mururovanhongonya. Anenge asati ava masikati. Tinobva tapinda munguva yemasikati inobva pagumi nembiri kusvika pagumi neshanu (12pm-15pm).
Kubvawo panguva dzegumi neshanu kusvika dzegumi nenomwe (15pm-17pm) tinenge tapinda mumadeukira. Zuva rinenge rarereka roda kupinda muna amai varo. Kubva murudeukira tinobva tapinda murukunzvikunzvi rwunosvika nguva dzegumi nesere (1800hrs).
Ndiyo nguva iya zvakare yerufuramhembwe rwepiri. Zuva rinenge ranyura kunze kosviba. Rukunzvikunzvi rwunobva rwatipinza muruvhunzavaeni iyoinobva munguva dzegumi kusvika dzegumi nepfumbamwe (18pm-19pm). Kubvira nguva dzegumi nenhanhatu kusvika dzemakumi maviri (16pm-20pm) ndivo atinoti manheru. Kubvawo nguva idzodzo kusvika dzemakumi maviri nenhatu tinenge tapinda muhusiku. (20pm-23pm. Kubvirawo idzodzi kusvika nguva dzeimwe (23pm-1am) pakati pehusiku. Manheru ndiwo madekwana kana kuti manhoko.
Izvi zvikamu zvezuva tava kuzvivhanganisa nemwaka yegore. Tine mwaka mina yegore inoti Zhizha, Matsutso, Chando neChirimo. Zhizha ndiwo maenza anoputira pakati pemwedzi waGumiguru kusvika muna Ndira. Iyi inguwa inonaya mvura vanhu vachirima nekusakura mombe dzofudzwa.
Kubva muZhizha tinopinda muMatsutso kana kuti Mapehwe. Ndimo munopinda mwedzi inoti Kukadzi, Kurume naKubvumbi. Mvura inenge yave shoma uye zvirimwa zvodyiwa zviri zvinyoro. Kubva muMatsutso tinopinda muChando muna Chivabvu, Chikumi naChikunguru. Inguva yekutonhora. Vanhu vanenge vokohwa nekupura mbesa. Kunozopedzisira neChirimo chinoputira Nyamavhuvhu, Gunyana naGumiguru. Mvura inenge isinganai zuva richipisa. Mombe dzinosairirwa.




